Accessibility links

Breaking News

VOA Yotepfenyura Kubva muZimbabwe Chirongwa cheStraight Talk Africa


Shaka Ssali English to Africa

Nhepfeunyuro yeVoice of America iri kubatana nhasi nenhepfenyuro ye Zimpapers Television Network mukuita chirongwa che Straight Talk Africa, icho chinopakurwa na Shaka Ssali.

Ssali ange achitepfenyura aina Ruvheneko Parirenyatwa weZimpapers Television Network vachibvunzurudza vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Chirongwa ichi chatanga na 8:30pm.

Vari muhurukuro yanhasi ndiVaLovemore Madhuku, mutungamiri we National Constitutional Assembly; mutungamiri we Alliance for People’s Agenda, Doctor Nkosana Moyo; chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaChris Mutsvangwa, pamwe nhengo yeMDC Alliance, VaTendai Biti.

“Vanhu vari kutarisira hurukuro iyi asi ndanzwa kuti vanenge vachida kupinda kunoona kana kunzwa hurukuro iyoyi vachabhadhariswa madhora gumi,” adaro Jonga Kandemiiri.

“Vanhu vandambotauravo navo varikuti madhora gumi imari yakawanda zvikuru vachitarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehupfumi muZimbabwe.”

Chirongwa ichi chaitirwa muCrown Plaza Hotel muHarare uye chatepfenyurwa nemakumi masere emakambani etelevhizhini enyika dzakasiyana siyana kusanganisa pa’social media’.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG