Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeDare reSeneti muAmerica Dzinoti Zimbabwe Ine Mukana weKugadzirisa Zvinhu


Sen. Jeff Flake (kuruboshwe) naSen. Chris Coons (kurudyi), vachitaura kuvatori venhau muHarare.
Sen. Jeff Flake (kuruboshwe) naSen. Chris Coons (kurudyi), vachitaura kuvatori venhau muHarare.

Maseneta ekuAmerica akatura bhiri rekuvandudza mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act, kana kuti ZIDERA, VaChris Coons naVaJeff Flake, vanoti vanofara chose kuti pane mukana wekuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena.

VaCoons naVaFlake inhengo dzekomiti yeseneti inoona nezvekudzidyana nedzimwe nyika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare neMugovera, maseneta mashanu ekuAmerica ati akafara chose kuona zvizvarwa zveZimbabwe zvichipinda mumugwagwa zvichipemberera shanduko munyika muna Mbudzi gore rapfuura.

Atiwo nyika iri mugwara rakanaka uye pane mukana mukuru wekuti zvinhu zvichigadziriswa zvachose munyika.

VaCoons vati vanofara chose kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuita zvimwe zvavakavimbisa.

Asi vatiwo pane zvimwe zvakawanda zvisati zvakagadziriswa.

Asi vati pachine mukana wekuti zvinhu izvi zvakanangana nesarudzo zvigadziriswe vachiti vangashushikane chose kana izvi zvikasaitika.

Seneta Flake vati Zimbabwe inofanira kutevedza bumbiro rayo remitemo yayo pamwe nezviga zveSADC, African Union, European Union nemamwe msangano pamusoro pesarudzo.

Vati vanofara chose kuve nhengo yedare reseneti iri kutungamira kuti mutemo wezvirango weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act, uyo wakadzikwa muna 2001, ubviswe kana Zimbabwe ikaita sarudzo dzakachena.

VaCoons naVaFlake vati vanoda chose kuti Zimbabwe neAmerica dzisimbaradze hukama hwadzo munyaya dzehupfumi, dzidzo nezvimwe, vachiti zvisinei nemutemo weZIDERA nezvirango zvakatemerwa vamwe munyika nemutungamiriri wenyika yavo, pakagara pane kudzidzana kwakasimba pakati pezvizvarwa zvenyika mbiri izvi.

Vati pamisangano yavaita nevemasangano anoshanda akazvimirira pamwe nevezvematongerwo enyika, zviri pachena kuti vanhu havasi kufara nenyaya yekupindira kwemauto musarudzo.

Asi vati semaonero avo, izvi zvinhu zvinogona kugadziriswa vachiti kana izvi zvikasaitika nyika inenge yarasikirwa nemukana mukuru wekunatsurudza hushamwari hwayo nenyika dzepasi rese.

VaCoons naVaFlake vakatotura bhiri rekusandura ZIDERA mudare reparamende yekongiresi muAmerica uye vane zvinhu zvakawanda zvavanoda kuti zvitange zvaitwa ZIDERA isati yasandurwa.

Zvimwe zvacho ndezvekuti nyika inofanira kuita sarudzo dzakachena, hurumende iremekedze kodzero dzevanhu, kujekesa mashandisirwo emari yemangoda pamwe nekutsvaga vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vakatsakatika, vakaita saVaItai Dzamara.

Mutemo weZIDERA unoshandiswa nemutungamiri weAmerica mukuchengetedza zvirango zvakatemerwa vakuru vakuru vehurumende, madzisahwira avo pamwe nemakambani anodyidzana nehurumende yeZimbabwe izvo zvinowedzerwa gore rega rega kana pasina chashanduka.

VaMnangangwa, avo vakatora matomu kubva kuna VaMugabe, vari pazvirango izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG