Accessibility links

Tajamuka Yochengetedza Vanhu kuChitungwiza?


Tajamuka inoti haidi kuona mhirizhonga ichiitika kuChitungwiza South sezvakaitika neSvondo.

Nhengo nhatu dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzakarohwa kuChitungwiza nemusi weSvondo, dzamiswa pamberi pematare neChitatu dzikabhadhariswa mari yechibatiso inoita zana remadhora pamunhu.

Vatatu ava vanzi vadzoke kudare redzimhovsa mushure memazuva manomwe.

Mumwe wevatatu ava, Va Delma Amos Kaliyati, havana kukwanisa kuenda kudare sezvo vachiri muchipatara.

Sangano re Tajamuka rinoti rakatuma nhengo dzaro kuChitungwiza kuti dzinochengetedza vari kushungurudzwa neZanu PF.

Sangano iri rinoti harisi kufara nekurwiswa kuri kuitwa vanopikisa.

Mutauriri we sangano iri, VaGift Ostallos Siziba, vanoti chinangwa chavo hachisi chekurwisana nevechidiki ve Zanu-PF asi kudzivirira kuti vasaramba vachirova vanhu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG