Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Yakaitika muHarare Inonzi Yakatangwa neVanotengesera paXimex Mall


Zimbabwe Riots
Zimbabwe Riots

Mhirizhonga inonzi yakaitika muHarare neChipiri manhero, iyo yakazokonzeresa kuparadzwa kwemidziyo yebato reMDC-T pamuzinda webato iri weHarvest House, inonzi yakatanga pakati pevamwe vanotengesera zvinhu zvavo muXimex Mall.

Mukuru werimwe sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social and Economic Transfomation, VISET, VaSamule Wadzayi, vanoti havasati vaziva kuti mhirizhonga yakazorasikira sei ikasvika pamuzinda webato rinopikisa iri sezvo kwakatanga kuri kunetsana pakati pevanotengesa zvinhu ava pamusoro pezvikwereti.

Vanoti sangano ravo richiri kuongorora kuti rione kuti inhengo dzaro ngani dzakapinda mumhirizhonga iyi, uye matanho api aringatora.

Bato reMDC-T riri kupomera mhosva vechidiki veZanu PF richiti ndivo vakaparadza midziyo paHarvest House vachitungamirwa nemukuru wevechidiki muHarare, VaGodwin Gomwe.

Asi VaGomwe vari kuramba kuti ivo nebato ravo vane chekuita nemhirizhonga iyi, vachiti kurwisana uku kwaive pakati pevanotengesa mafoni paXimex Mall nevechidiki veMDC-T, avo vavanoti vaitoda kuba mafoni.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG