Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inotyisa Yoitika kuChitungwiza


Delma Kaliyati
Delma Kaliyati

Vechidiki muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai vanoti havasi kuzopeta mavoko avo vachirwiswa nevechidiki ve Zanu-PF.

Vechidiki ava vanoti yasvika nguva yekuti vadzoserewo zvakasimba pose pavanorwiswa sezvo mapurisa ari kutsigira Zanu-PF pose panoitika zvemhirizhonga, vatsigiri veMDC vari ivo vanosungwa chete.

Mashoko aya anotevera kurwiswa kwakaitwa munyori anoona nezvemisangano mu MDC kuChitungwiza, VaDelma Amos Kaliyati, mukupera kwesvondo.

VaKaliyati, avo vari muchipatara zvichitevera kukuvara zvakaipisisa kwavakaita, vanonzi vakachengetedzwa nemapurisa sezvo vari muhusungwa zvichitevera mhirizhonga yakaitika neSvondo.

Zvichitevera kurwiswa kwakaitwa VaKaliyati nevamwe vavo, vechidiki ve MDC vanonzi vakapindirawo munyaya iyi vachiedza kudzoserawo kurwiswa kwakange kuchiitwa vamwe vavo, izvo zvakaita kuti pakuvare vanhu vakati wandeyi, vamwe vakaendeswa kuchipatara.

Studio7 haina kukwanisa kuziva huwandu hwevanhu vakakuvara muchiitiko ichi.

VaKaliati vakarwiswa zvakare svondo rapera apo vaibatsira vanhu vanoda kunyoresa kuvhota.

Vamwe vanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF vakakanda chombo chinoputika pamba paVaKaliyati, mukadzi wavo akakuvara zvakaipisisa muchiitiko icho.

Nhengo yeZanu PF, VaJim Kunaka, vanoramba zvese zvataurwa neveMDC vachiti vanhu vebato ravo havana nguva yokufamba vachirova vanhu sezvo vari mubishi rekukuridzira vanhu kunonyoresa kuitira kuti vagokwanisa kuzovhota musarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Hurukuro naVaHappymore Chidziva
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro NaVaJim Kunaka
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG