Accessibility links

Breaking News

Meya veVictoria Falls, VaDlamini, Vanosungwa neZACC Vachipomerwa Kuita zveHuwori


Meya veVictoria Falls, VaSomvelo Dlamini, vanonzi vakasungwa nenyaya dzehuwori.
Meya veVictoria Falls, VaSomvelo Dlamini, vanonzi vakasungwa nenyaya dzehuwori.

Meya veguta reVictoria Falls, VaSomvelo Dlamini vanonzi vakasungwa neMugovera nemapurisa eZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, vachipomerwa mhosva dzekuita zvehuwori munyaya dzenzvimbo dzekuvakira dzimba.

Vane ruzivo nezvenyaya iyi vasina kuda kudomwa nemazita vaudza Studio 7 kuti VaDlamini, vanove vebato reMDC Alliance, vakasungwa vachipomerwa mhosva nhatu, yekutanga iri yekuti vakatengeserwa nzvimbo yekuvakira imba nemari iri pasi mushure mekunge vasarudzwa kuve kanzura, sezvinofanirwa kuita pamutemo, asi ivo vanonzi vakaitengesa.

Mhoasva yepiri inonzi ndekutengesa kwavanonzi vakaita imwezve nzvimbo yekuvakira bhizimusi yavakanga vawana kukanzuru.

Mhosva yetatu iri kupomerwa VaDlamini inonzi yakauya mushure mekunge vaedza kuwana imwe nzvimbo yekuvakira imba vachishandisa zita remudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa.

Vanonzi vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare mangwana. Mutauriri weZACC uye vari komishina, VaJohn Makamure, vatenda kuStudio 7 kuti VaDlamini vakasungwa, asi vati havagoni kutaura nezvemhosva dzavari kupomerwa sezvo vanga vasati vaverenga gwaro remhosva dzacho, kana kuti charge sheet.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG