Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimbabwe Victims of Political Persecution Association Rinoti Nhengo Dzaro Dzinoda Kupodzwa Marwadzo Adzo


Musekiwa Bhanire

Rimwe sangano idzva rine chinangwa chekumirira kodzero dzevanhu vakashungurudzwa kuburikidza nenyaya dzezvematongerwo enyika, rinoti riri kushushikana zvikuru kuti pava nemakore akawanda nyaya yekushungurudzwa kwakaitwa vanhu muna 2008 isati yagadziriswa.

Sachigaro veZimbabwe Victims of Political Persecution Association, VaMusekiwa Bhanire, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vaumbe sangano rinovamirira kuitira kuti patsvagwe nzira dzekupodza maronda avo.

VaBhanire vanoti sangano iri rakavambwa kwaMutoko gore rapera, uye rave nenhengo dzinoda kusvika mazana mashanu.

Vanoti chinagwa chavo ndechekuti vave nenhengo dzekawanda musangano ravo, kuitira kuti vataure neinzwi rimwe chete.

VaBhanire vanotiwo vakatosvitsa zvichemo zvavo kukomisheni inoona nezvekuregererana nekugarisana zvakanaka, kuitira kuti nhunha dzavo dzigadziriswe.

Asi VaBhanire vanoti sangano ravo harisi rezvematongerwo enyika, uye nhengo dzavo dzinobva kumapato ose ezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG