Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, neMuvhuro vakashamisa nyika mushure mekuzivisa kwavo kuti vakange vave kusiya basa pakarepo zvichitevera kuburitswa kwenyaya dzavo dzine chekuita nehupombwe dzavanonzi vaiita nevamwe vashandi vemuhofisi yavo pamwe nemamwe madzimai ekunze.
Mumashoko avo kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nekumhuri yeZimbabwe, VaMohadi vakati vakatora danho rekusiya basa iri kwete nekuti vaive mbwende, asi nekuti vairemekedza huremu hwehofisi yemutungamiri wenyika, pamwe nekuchengetedza chimiro chehurumende.
Sangano renhau reZimLive ndiro rakatanga kuburitsa nyaya dzekuti VaMohadi vaiita zvepabonde nemadzimai akasiyanasiyana kusanganisirawo nevamwe vakaroorwa.
Asi ivo VaMohadi vakaramba mashoko aya vachiti raive basa revavengi vavo vari kuda kuvasvipisa pamwe nekuvaputsa mune zvematongerwo enyika.
Vakatiwo vachatora matanho emutemo kugadzirisa nyaya iyi.
Masangano anorwira kodzero dzevanhu akawanda akaburitsawo mazwi awo achikurudzira kuti VaMohadi vasiye basa zvichitevera kubuda kwenyaya dzavo dzavari kupomerwa idzi.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mutungamiri webato reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti danho rakatorwa naVaMohadi rakakodzera zvikuru uye vanoritambira nemaoko maviri.
Doctor Zembe vanoti chitsvambe chasarira vatungamiri vari muhurumende pamwe nevamwe vose vanoita zvematongerwo enyika kuti kana vakatyora bumbiro remitemo yevanhu vanofanirwa kusiya basa sezvakaitwa naVaMohadi.
Vanotiwo kubva pakabuda nyaya dzekuti VaMohadi vaiita zvehupombwe nemadzimai akasiyanasiyana, vana veZimbabwe, vanove ndivo bumbiro remitemo, vakabva vangovakurudzira kuti vasiye chigaro.
Facebook Forum