Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau Ane Mukurumbira Pasi Rose, Sandra Nyaira, Ashaya.


Sandra Nyaira

Mutori wenhau ane mukurumbira pasi rose, Sandra Nyaira, akashaya nezuro muHarare mushure mekurwara nedenda reCovid-19.

Anga ava nemakore makumi mana nematanhatu ekuberekwa.

Nyaira akatanga kushanda semutori wenhau kuCommunity Newspapers Group, ndokuzoenda kuZiana, mushure mezvo ndokuzoshandira The Daily News parakavambwa muna 1999 nemupepeti ane mukurumbira, VaGeoffrey Nyarota.

Akakwidziridzwa kuDaily News kusvika pachinzvimbo chemupepeti wenyaya dzematongerwo enyika, uye akava munhukadzi wekutanga kuva nechinzvimbo ichi.

Muna 2002, Nyaira akapihwa mubayiro weCourage in Journalism Award nesangano reInternational Women’s Media Foundation riri muWashington DC.

Muna 2003 Nyaira akatanga kushanda semutori wenhau weStudio7 ari muLondon, uko aiita zvidzidzo zvake zvepamusoro soro.

Akazouya kuWashington DC kunoshandira Studio7 muna 2009 semutori wenhau.

Nyaira ndiye akatanga chirongwa cheVOA Studio7 chinotarisa zvakadzama zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu, cheWomen's Forum, icho chava kuitwa naMarvellous Mhlanga Nyahuye nemusi weMugovera wega wega.

Akatanga zvakare chirongwa chehutano cheStudio7 izvo zvakaita kuti ave nhengo VOA Africa Health Network.

Mushure mezvo, Nyaira akazoitwa mupepeti wenhau weStudio7 ndokuzosiya basa iri muna 2015 achienda kunoshandira United Nations ari mu Addis Ababa kuEthiopia.

Mumwe akashanda naNyaira kuDaily News, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti gwanza rasiiwa naNyaira richanetsa kuvhara sezvo ange ari munhu aishanda nehushingi panguva iyo zvino zvakange zvakawoma munyika.

Doctor Ruhanya vanoti Nyaira munhu aida kuburitsa nhau dzechokwadi, uye valkadzidza zvakawanda kubva kuna Nyaira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mutori wenhau ane mukurumbira, uye ari mukuru weVoice of the People, VaJohn Masuku, vanoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwaNyaira.

VaMasuku vanoti Nyaira akange ari mumwe wemadzimai echidiki akakwanisa kuwana chinzvimbo chepamusorosoro kuDaily News zvakazoita kuti ashungurudzwe nehurumende asi akaramba akashinga mubasa rake rekuburitsa nyaya dzinge dzakavanzwa kuitira kuti veruzhinji vasazive zvinenge zvichiitika.

VaMasuku vanoti vatapi venhau vemazuva ano vane zvakawanda zvavanofanirwa kudzidza pamashandiro aiitwa naNyaira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti hurongwa hwekuradzikwa kwaNyaira huchafamba seyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG