Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Peter Banga, Anoradzikwa Zvine Mutsindo kuHwedza


Peter Banga burial
Peter Banga burial

Mutori wenhau anga aine mukurumbira munyika, Peter Banga, aradzikwa zvine mutsindo nhasi kumusha kwake kuHwedza hama neshamwari dzichirumbidza mabasa aakaita.

Vachitaura pakuvigwa kwemuningina wavo, VaAugustine Banga, vati chanyanyovarwadza ndechekuti ongororo dzakaitwa nana chiremba hadzina zvadzati dzabudisa kuti chii chakakonzera rufu rwemuningina wavo, avo vati vakangomuka vakafa nemusi weChishanu.

Vatiwo kushaya kwemuningina wavo kwasiya gwanza risingakwanisiki kuvharika.

Munin’ina wemufi, VaCuthbert Banga, vatiwo mukoma wavo anga ari munhu ane rudo huye aibatanidza mhuri.

Mutevedzeri wemukuru weHarare Polytechnic uko Banga aive mukuru webazi reMass Communication, Amai Deborah Maziwa, vatiwo varasikirwa zvikuru huye basa rakabatwa naBanga rakakura zvikuru zvekuti Banga asiya chikoro ichi chave nenhepfenyuro.

Mumwe wevakadzidziswa kutora nhau naBanga, VaTerrence Antonio, vatiwo vezvenhau nevadzidzi vekutorwa kwenhau varasikirwa zvakanyanya nekushaya kwaBanga.

Vatiwo Banga akasimudzira zvakanyanya avo vairarama nehurema

Vadzidzi vekuHarare Polytechnic avo vauya nehuwandu hwavo vachema zvikuru nekurasikirwa kwavati nemudzidzisi anga ane hunyanzvi.

Mudzidzi Bridget Mabhande ati Banga ange ari munhu aisimudzira vadzidzi vake huye asiya gwanza risingagoni kuvharika.

Vazhinji vataura pakuvigwa kwaBanga vamurumbidza nekusimudzira hupenyu hwevakaremara.

Banga akamboshanda kuZimbabwe Broadcasting Cooperation kwenguva yakareba ndokuzova mudzidzisi wekutorwa kwenhau paHarare Polytechnic.

Banga akazova mutori wenhau weStudio7 kutanga muna 2003 apo yakavhurwa achishandisa zita rekuti Safari Njema achishanda nevamwe vatori venhau vanosanganisira Michael Kariati, Godwin Mangudya, Basildon Peta, Brian Hungwe, Fazila Mahomed, Rashweat Mkundu, muchakabvu Itai Dzamara nevamwe.

Ari kuStudio7 Banga ndiye akatanga chirongwa cheShona chinotarisa zvinosangana nevakaremara icho aiburitsa nemusi weChipiri wega wega.

Chirongwa ichi chakarumbidzwa zvikuru muProgram Review yeStudio7 yakaitwa muna 2007 chichinzi ndicho chete chirongwa cheVoice of America chaive nechikamu chaitaura nyaya dzevakaremara svondo rega rega.

Banga akashaya ava nemakore makumi mashanu nemasere, uye asiya mudzimai nevana vatatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG