Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Mumigwagwa Voramba Vakatsika Madziro Vachiti Hakuna Kwavanoenda


VaSten Zvorwadza
VaSten Zvorwadza

Vanotengesera zvinhu zvavo mumigwagwa vanoti vakamirira kuona simba richashandiswa nemapurisa nemauto mukuvabvisa munzvimbo dzavanotengesera mumaguta.

Sachigaro wesangano revanotengesa mumigwagwa, reNational Vendors Union of Zimbabwe, VaSten Zvorwadza, vanoti ivo nevamwe vavo vakazvipira kupfurwa nepfuti vachiti zviri nani nekuti kunokurumidza kupedza hupoenyu hwavo kwete kuona mwana kana mhuri yako ichifa zvishoma nezvishoma nenzara.

“Zvavari kutoita izvi zvekuunza Zimbabwe Republic Police mumigwagwa, vari kutokanganisa nekutyora bumbiro remutemo nokuti hapana zviri kutyorwa zvokuti kungadzi kwatadzwa kuti vanotengesera mumigwagwa vaite nokuti kutengesa haisi mhosva,” VaZvorwadza vaudza Studio7.

“Tiri kutovasheedzera kuti kwamuri uko uyai mutengese muguta nekuti iguta renyu, inyika yedu, hapana munhu anotipa mutemo wekuti tengesai makadai kana kusina mabasa,” vadaro VaZvorwadza.

Vanotengesera mumigwagwa vave nenguva vachinetsana nehurumende zvichitevera danho rakatorwa nehurumende rekuti vanhu ava vabve mumigwagwa mavanotengesera mumadhorobha.

NeChishanu chapfuura, gurukota rezvematunhu rakavapa mazuva maviri ekuti vabve munzvimbo dzavanotengesera asi vanotengesera mumigwagwa vari kuramba vachiti hurumende ngaitange yavawanira mabasa.

“Mbavha dzakaba mari muZimbabwe ndidzo dzinonzi tinokuregererai kana mukadzosa mari kuZimbabwe mukati mezana remazuva asi isusu tiri kuvaka nyika tinonzi 48 hours, endai munofa. Hatisi kutenderana navo ipapo. Uye hatidi kunyengetedzana nemashoko enhema,” vadaro VaZvorwadza vachiratidza kurwadzikana nezviri kuitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG