Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera Mumigwagwa neTajamuka Vanorwisana neMapurisa muHarare


Mapurisa achisunga vamwe vevanotengesera mumigwagwa yemuHarare.
Mapurisa achisunga vamwe vevanotengesera mumigwagwa yemuHarare.

Vanorarama nekutengesera mumigwagwa yemukati meguta reHarare pamwe nenhengo dzesangano reTajamuka/Sesijikile vanonzi vabatana mukurwisana nemapurisa ekanzuru pamwe neZimbabwe Republic Police ayo anonzi ari kuvabvisa nechisimba munzvimbo dzavanotengesera.

Izvi zvinonzi zvaitikawo kudhorobha reNorton, uko kunonzi vanotengesera mumigwagwa ava varamba kubviswa pavanotengesera paKatanga.

Mutauriri wesangano reTajamuka/Sesijikile, VaMakomborero Haruzivishe, vanoti vamwe vevanotengesera mumigwagwa inhengo dzesangano ravo dziri kuoneswa nhamo nemapurisa nguva dzose.

VaHaruzivishe vanoti kusvika panguva yataenda pamhepo vanga vachiri pamapurisa kuti vaedze kuona kuti vanhu vangani vasungwa muchiitiko ichi, asi vanoti vanga vachiziva nezvemunhu mumwechete.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vati vanga vasati vanzwa zvizere nezvechiitiko ichi sezvo vanga vasiri muguta masikati.

Asi hurumende, kuburikidza nebazi rezvekuburitswa kwemashoko, yaburitsa mashoko paTwitter ichiti kune vachidiki vakawanda vanga vachitema mapurisa nematombo zvaita kuti vasungwe.

Hurumende yatiwo ine humbowo hwemavhidhiyo anoratidza vechidiki ava vachitema mapurisa, uhwo huchashandiswa mudare redzimhosva pakuroverera vakasungwa ava nemhosva.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Hurukuro naVaMakomborero Haruzivishe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG