Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vopika Kusabva Munzvimbo Dzavanotengesera


Mapurisa arikurwa nekubvisa vanotengesa mumigwagwa munzvimbo dzavanoitira basa ravo
Mapurisa arikurwa nekubvisa vanotengesa mumigwagwa munzvimbo dzavanoitira basa ravo

Rimwe remasangano anomiririra vanotengesa zvinhu mumigwagwa, reNational Vendors Union, rinoti rinogona kumisa kutengesa zvinhu mumigwagwa kana hurumende ikatambira zvirongwa zvarakaendesa kwairi.

Sangano iri rinoda kuti riwaniswewo mabasa ekuita pose panoitwa zvibvumirano nehurumende nemakambani anenge apihwa ma “tender”, sezvo richiti rine vanhu vane hunyanzvi hwakasiyana siyana, asi vasina mabasa avanoita.

Mutungamiri wesangano iri, VaSten Zvorwadza, vanoti vakamirira kunzwa kubva kuhurumende vachiti hazvina musoro kuti hurumende inopa kambani imwe chete basa remamirioni makumi mapfumbamwe emadhora asi isingape rimwe remabasa kune avo vanotengesera mumigwagwa.

“Chandinopokana nacho ndechokuti vanotengesera mumigwagwa vongonzi ibvai mumigwagwa pasina kutsvakwa imwe nzira yekuti vararame nayo,” VaZvorwadza vakaudza Studio7.

Vatiwo sangano ravo rinoda kuti hurumende ipe vanotengesera mumigwagwa chikamu chema ’tender’ anenge apiwa makambani munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru werimwe sangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, kana kuti Viset, VaSamuel Wadzayi, vanoti nhengo dzesangano ravo hadzisi kuzobva munzvimbo dzavanotengesera kusvika hurumende yavapa nzvimbo yakanaka yekutengesera.

VaWadzayi varatidza kunyunyuta zvikuru nekurohwa kwaitwa vamwe vavo nemapurisa eZRP achishanda nemapurisa ekanzuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG