Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Votaura neHurumende Kuti Vabatsirwewo Munguva yeKuvharwa kweNyika


Vatengesi vanorambidzwa kutengesa
Vatengesi vanorambidzwa kutengesa

Sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reVendors Initiative for Social Transformation, VISET, rinoti rinotarisira kuti rwendo rwuno hurumende ichabatsirawo nhengo dzaro nemari munguva ino yadzisiri kukwanisa kushanda nekuda kwemutemo wekumbovharwa kwenyika.

Mashoko eVISET anouya zvichitevera kuvharwa kwenyika kwemazuva makumi matatu, kana kuti lockdown Level 4, iyo yakadzikwa svondo rapera nehurumende.

Mukuru weVISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti mukumbovharwa kwakaitwa nyika gore rapera, nhengo dzavo dzakawanda hadzina kukwanisa kuwana rubatsiro rwaingovimbiswa nehurumende kuti rwuchapiwa vanozviitira mabasa emaoko.

VaWadzayi vanoti vatotanga hurongwa hwekutaudzana nebazi rezvemabhizimusi madiki neepakati, kuti vaone kuti vangayeukwa here munguva ino.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG