Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi Vakasungwa Svondo Rapera Vanobvisiswa Mari yeChibatiso


Vasungwa vari mudare. (Photo: Thomas Chiripasi)
Vasungwa vari mudare. (Photo: Thomas Chiripasi)

Vanorarama nekutengesera mumigwagwa yemuHarare gumi vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekurova mupurisa vamiswa pamberi pedare ramejasitireti nhasi vakapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda.
vanoti mutongi wedare Amai Learnmore Mapiye vapa gumi ava mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita madhora zana emaRTGS pamunhu, uye kuti vanofanirwa kuzviratidza kumapurisa Chishanu choga-choga.

Vanhu ava vakasungwa vari gumi nemumwe chete, asi mumwe wavo, VaTafadzwa Hilton Tamangani vakashaya neMugovera vari muhusungwa kujeri reHarare Remand Prison.

Mune imwewo nyaya, varume vatatu vanoti nhengo yeMDC uye vari kanzura wewadhi 16, VaDenford Ngadziore, murwiri wekodzero dzevanhu VaMakomborero Haruzivishe, pamwe naVaJonah Matoratora, vasungwa panze pedare remajasitireti apo vanhu vanga vachiimba vachishoropodza kufa kwaVaTamangani vari muhusungwa.

Vatatu ava vanonzi vapomerwa mhosva yekukonzera ruzha panze pedare redzimhosva ramejasitiriti.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG