Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzokurudzira Kuti Nhomba yeCovid-19 Iri Kubva kuChina, Itange Yaongororwa Isati Yabayiwa Veruzhinji


Mushonga wenhomba yeCovid-19
Mushonga wenhomba yeCovid-19

Hurumende iri kutumira ndege kuChina svondo rino kunotora mushonga wenhomba yeCovid-19 unosvika mazana maviri ezviuru, kana kuti 200,000 kuitira kuti nhomba iyi inge yava munyika nemusi weMuvhuro, Kukadzi 15.

Izvi zvakaziviswa nezuro negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa.

Nhomba iyi yakagadzirwa nekambani yekuChina, ye Sinopharm.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti mushonga wenhomba uyu unofanirwa kutanga waongororwa usati wapihwa veruzhinji.

Nyanzvi idzi dzinotiwo hapana zvadzinoziva pamusoro pehurongwa hwehurumende, uye hapana kujeka kana paine ongororo yati yaitwa inobata mushonga uri kupinda munyika nemusi weMuvhuro.

Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti zvose zviri mugwara.

Hurumende inoti mushonga uyu uchatanga kupihwa vana chiremba, vakoti pamwe nevanhu vanoshanda muzvipatara vari kubatsira varwere veCovid-19.

Asi chiremba vanoshanda mudunhu reNorth Carolina, Dr Simbiso Ranga, vanoti nhomba iyi isati yapihwa ani nani zvake, kusanganisira vana chiremba nevakoti ava, panofanirwa kutanga paitwa ongororo yekuona kuti mishonga iyi haina here zvayinovhiringa hutano hwevanhu vemuZimbabwe sezvinodiwa nemitemo yeMedicines Control Authority of Zimbabwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuMedicines Control Authority of Zimbabwe payimire pamushonga wenhomba yeCovid-19 uri kupinda muZimbabwe nemusi weMuvhuro.

Ngatinzweyi Dr Ranga vachitsanangura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG