Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votanga Kubayiwa Nhomba neMuvhuro


Byo Public Hearing

Bazi rezvehutano rinoti matunhu ose ave nenhomba yekudzivirira chirwere che Covid-19.

Izvi zvinotevera kutumirwa kwakaitwa mishonga iyi kumatunhu ose mushure mekunge yapinda munyika nemusi weMuvhuro.

Mishonga iyi, iyo inosvika mazana maviri ezviuru, yakapihwa Zimbabwe pachena nehurumende yekuChina.

Guta reBulawayo rakapihwa mishonga yenhomba inosvika zviuru gumi nezvitatu nemazana maviri, 13200, iyo ichatanga kupihwa vanhu nemusi weMuvhuro.

Dunhu reMatabekeland North rakapihwa nhomba inosvika zviuru zvisere nemazana matanhatu negumi, Matabeleland South ikawana zviuru gumi nechimwe, ukuwo Midlands ikawana zviuru gumi nechimwe nemazana mashanu.

Mishonga yedunhu reBulawayo ichange ichichengetwa nekanzuru yeguta iri.

Studio7 haina kukwanisa kubata meya weguta iri, Va Solomon Mguni, kuti tinzwe kuti mishonga iy yakachengetedzeka zvakadii.

Asi nhengo yekomiti yezvehutano mukanzuru iyi, Kanzura Sinikiwe Mutanda, vanoti misgonga iyi yakachengetwa pachitevedzwa mitemo yeWorld Health Organization.

Kanzura Mutanda vanoti kunyange hazvo vanhu vari kuratidza kusavimba nenhomba iyi, vacharamba vachipa dzidziso kuitira kuti nhomba iyi itambirwe nevanhu vakawanda munyika.

Ivo vanoti vachabayiwa nhomba iyi sechiratidzo kuruzhinji kuti nhomba iyi yakanaka uye vanhu vese vabayiwe senzira yekurwisa kupararira kweCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG