Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mataranyika Vanosarudzwa Kutungamirira UZ Student Representative Council


Abiona Mataranyika
Abiona Mataranyika

Musarudzo dzakaitwa neChipiri, vadzidzi vepa University of Zimbabwe vakasarudza munhu wechikadzi kuti ave mutungamiriri wekanzuru inomiririra vadzidzi, yeStudent Representative Council.

Muzvare Abiona Mataranyika veZINASU vakawana mavhoti zviuru zviviri zvine mazana mashanu negumi nerimwe (2,511) vachikunda vamwe vaviri avo vakawana mavhoti chiuru nezana, mumwe ndokuwana mavhoti ari pasi pechiuru chimwe chete.

Aka ndiko kekutanga chikoro ichi chichisarudza munhukadzi kuti abate chigaro ichi.

Muzvare Mataranyika ave munhu wechikadzi wekutanga kuve mutungamiriri we Students Representative Council.

Pakaita mhirizhonga mushure mekuverengwa kwemavhoti vamwe vakakuvadzwa uye pakapunzwa mahwindo.

Muzvare Mataranyika vaudza Studio7 kuti chekutanga chavanoda kuita kuona kuti vadzidzi vechikadzi vapiwa zvehutsanana pachena nekuti iyi nyaya irkunetsa vadzidzi vechikadzi zvikuru.

Muzvare Mataranyika vanoti vachaona kuti nyaya yemagetsi pachikoro ichi yagadziriswa nekukurumidza sezvo kudzimwa dzimwa kwemagetsi kuri kukanganisa vadzidzi pakudzidza nekuverenga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG