Accessibility links

Breaking News

Kuratidzira kweVashandi veKambani yeZESA Holdings Kunombomiswa


Zesa
Zesa

Kambani yemagetsi yehurumende, yeZESA Holdings, yakakwira kudare repamusoro neChipiri manheru ichida kuti imise kuratidzira kwevashandi vayo avo vari kutsutsumwa nehuwori huri kuitwa nevakuru vakuru vekambani iyi.

Kuratidzirwa kwange kuchifanira kuitwa neChitatu kwange kwakatopihwa mvumo nemapurisa asi hakuna kuzoitika mushure mekunge kambani iyi yaenda kudare repamusoro.

Vashandi vekambani iyi vaungana pamuzinda wekambani iyi mangwanani muHarare uye kuratidzira hauna kuzoenderera mberi sezvo dare reHigh Court rati richanzwa nyaya yeZESA neChina.

Gweta revashandi ava, Professor Lovemore Madhuku, vaudza Studio 7 kuti mutongi Justice Owen Tagu ndivo vachanzwa nyaya yeZESA.

ZESA iri kuda kuti vashandi vayo vese vari mumasangano akaita se Energy Sectors Workers Union of Zimbabwe, National Energy Workers of Zimbabwe, Zimbabwe Energy Workers Union pamwe neZimbabwe Congress of Trade Unions vasaratidzire uye haisi kuda kuti mapurisa eZimbabwe Republic Police ape vashandi ava mvumo yekuratidzira.

Mutevedzeri wemutungamiriri weEnergy Workers Union of Zimbabwe, VaAdmire Mudzonga, vati zviri kuitwa nemukuru weZESA, VaJosh Chifamba, nevamwe, kutyora kodzero dzavo.

VaMudzonga vati nyaya dzehuwori muZESA dzanetsa uye kambani iyi inobhadhara mari dzakawanda dzehuwori asi vashandi vasiri kuwedzerwa mari dzavo dzemihoro kubva muna 2012.

Vati kambani iyi iri kurasikirwa nemari yakawanda chose mumabasa ehuwori uye vashandi vangadai vachiwedzerwa mari dai pasina huwori.

Vachibvunzurudzwa nekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari yehurumende, yePublic Accounts, masikati ano pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa mari mukambani iyi, mukuru wekambani iyi, VaJosh Chifamba, vati kambani iyi iri kunetseka kuwana mari nekuti inotengesa magetsi nemutengo uri pasi pasi.

Vatiwo vashandi vekambani iyi vanogara vari migwagwa vachiratidzira kuti vawedzerwa mari asi vati ZESA haikwanisi kuvawedzerwa mari.

Vabvuma kuti ZESA yakapedzesera kuwedzera mihoro muna 2012.

Vati pari zvino zvikamu makumi matatu kubva muzana zvebhajeti reZESA zvinoenda kumihoro uye vakatevedzera zvido zvevashandi zvinoreva kuti zvikamu makumi matanhatu nezvina zvinenge zvave kuenda kumihoro uye ZESA haikwanisi kuita izvi.

Paramende iri kuongorora kambani yeZESA nenyaya dzakawanda dzehuwori pamwe nekushandisa mari zvisina mwero izvo zvave kuita kuti vashandi vayo, nhengo dzeparamende pamwe neveruzhinji vagunun’une.

Komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto yakatozivisa kuti ichakoka vakuru vakuru vehurumende pamwe nemakurukota ayo muongororo yavo yezviri kuitika mukambani iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG