Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, neChitatu vakawedzera negore rimwe chete zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nemubato reZanu PF pamwe nemamwe makambani, vachiti vanhu ava vari kuramba vachityora kodzero dzevanhu.
Mumashoko avakaburitsa, VaBiden vakati sezviri mune zvimwe zvikamu zvemutemo wechimbichimbi weNational Emergencies Act, vakaona zvakakosha kuti vamutsiridze zvakare mutemo weExecutive Order nhamba 13288 wakadzikwa musi wa 06 Kurume, 2003.
Mutungamiri weAmerica vakati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisati yaita shanduko dzinotarisirwa mune zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi, izvo zvingaita kuti zvirango zvibviswe.
Vakati gore rapera mauto eZimbabwe akashungurudza vanhu pamwe nekuvatyorera kodzero dzavo, kusanganisira nhengo dzemapato anopikisa pamwe nevatori venhau.
VaBiden vakati kushaikwa kwebudiriro yeshanduko mune zvacho zvakakosha zvinoda kushandurwa kuitira kuti munyika muve nehutongo hwejekerere pamwe nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu zvinosiya zvizvarwa zveZimbabwe zvakadzvanyirirwa, uye zvichikonzerawo kusagadzikana mudunhu rose.
Kunyange havo VaBiden vasina kudoma mazita uye kutaura kuti vanhu vangani vari pazvirango izvi, gore rapera America yakawedzera zvirango izvi negore pamakambani nevanhu zana nemakumi mana nemumwe, kana kuti 141, kusanganisira mutungamiri wenyika VaMnangagwa.
VaMnangagwa nehurumende yavo vagara vari kukurudzira kuti zvirango izvi zvibviswe, vachiti zviri kukanganisa raramo yevana veZimbabwe.
Studio 7 yakundikana kubata gurukota idzva rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanga vasiri kudaira nharembozha yavo, uye vanga vasati vapindura mubvunzo wedu watavatumira.
Tatadzawo zvakare kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana pamwe nemukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, avo vanga vasiri kudairawo nharembozha dzavo.
Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira Vusango vanoti danho ratorwa naVaBiden iri harina kuvashamisa sezvo vachiziva nechakare kuti America inotevera mutemo wayo wekudyidzana nedzimwe nyika, zvisineyi nekuti ari kutungamira nyika iyi ndiyani.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanotiwo havana kushamiswa nedanho raVaBiden iri nekuti hurumende yeZimbabwe haina zvairi kuita mukugadzirisa nyaya dzekodzero dzevanhu.
Facebook Forum