Accessibility links

Breaking News

America Yatarisana Nedambudziko Remapopo Anehutachiona Hwe ’Salmonella’


Mapopo akabva kuMexico anonzi ane salmonella.
Mapopo akabva kuMexico anonzi ane salmonella.

Vanhu vanopfuura makumi matanhatu vanonzi vapinzwa muzvipatara mushure mekuwanikwa vaine hutachiona hwe ‘salmonella’ iyo yavanoti iri mumapopo akabva ku Mexico.

Vanoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere muAmerica, veCenter for Desease Control and Prevention, pamwe chete neve Food and Drug Administration, varikuyambira vanhu vanogara mumatunhu matanhatu ari kumaodzanyemba kwadziva kumabvazuva kweAmerica, anosanganisa Massachusetts, Connecticut, New Jersey, New York, Pennsylvania, neRhode Island kuti vambomira kudya mapopo anobva kuMexico kusvika vezvehutano vaongorora nyaya iyi.

Vayambiravo vanotenga zvekudya kunyika dzirikunze kweAmerica, pamwe chete nevanotengesa zvinhu izvi, vakaita sevemumahotera, ma’supermarkets’ nevamwe kuti vasabudisa mumabhokisi mapopo avakange vatenga kuti vezvehutano vakwanise kuferefeta michero iyi.

Mukoti vanoshanda kuMasahusetts, Amai Tendai Sithole, vaudza Studio 7 kuti Center for Disease Control and Prevention yayambira vanhu mumatunhu aya, anosanganisa kuMassachusetts kwavanogara, kuti vanhu vasadya mapopo asi vaarase kunyange paine umwe wavo akaadya asi akasarwara.

Amai Sithole vati zvimwe zvinoratida kana munhu abata hutachiona hwe’salmonella’ zvinosanganisa manyoka, kupisa muviri, nekurwadza kwemudumbu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG