Accessibility links

Breaking News

America Yodoma Mumiriri Wayo Mutsva muZimbabwe


FILE - President Donald Trump arrives for a bill signing ceremony in the South Court Auditorium on the White House campus, May 30, 2018, in Washington, May 30, 2018.
FILE - President Donald Trump arrives for a bill signing ceremony in the South Court Auditorium on the White House campus, May 30, 2018, in Washington, May 30, 2018.

Hurumende yeAmerica iri pasi paVaDonald Trump yakadoma VaBrian Nichols kuti vamirire United States muZimbabwe.

Asi VaNichols vanofanira kutanga vagutsa dare reSeneti renyika iyi kuti vanokodzera here kumirira nyika yavo muZimbabwe vasati vatanga basa.

VaNichols vanenge vave kutora basa rakasiyiwa naVaHarry Thomas mwedzi mishonana yapfuura.

Vakasanobata chinzvimbo chemutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, VaJohn Taylor, vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuti VaNichols vachatanga basa muZimbabwe riini inoenderana nekuti vanenge vagutsa dare reSeneti here uye kuti izvi zvichaitika rini.

Vati kana zvikakasik kuitwa, VaNichols vanogona kutanga basa kupera kwaChikunguru asi zvinogona kutora nguya yakareba kupfuura apa.

Mumwe mugari wemuHarare, VaOwen Dhliwayo, vati zvaitwa neAmerica zvinoratidza kuti nyika iyi inoda kuramba ichidyidzana neZimbabwe.

Vanongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vaudza Studio7 kuti America inyika yakakosha pasi rese uye zvakakosha kuti ive nemumiriri munyika dzese kusanganisira Zimbabwe.

Vatiwo kushanya kwenhengo dzeSeneti yeAmerica kuZimbabwe nguva pfupi yapfuura, chinhu chinoratidza kuti America ine chido chekuona kuti zvinhu zvagadzikana munyika.

Mutauriri webato reNational Patriotic Front, VaJelousy Mawarire, vaudza Studio7, zvinhu zvakanaka kuti America igare ine mumiriri muZimbabwe kuitira kuti ikwanise kunzwisisa zviri kuitika munyika zvikuru sei panguva yesarudzo.

Vakafanobata chigaro chasachagiro weMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgan Komichi, vaudza Studio7 kuti kudoma achamirira nyika iyi muZimbabwe kunoratidza kuti America ine chekuita nenyika uye chivimbo chayo ndechekuti ichaunzawo vanoongorora sarudzo nekukasika.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Va Sibusiso Moyo, vange vasiri kudaira mbozhanhare yavo.

VaNichols vave nenguva yakareba vachimirira nyika yavo uye vakapinda mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muna 1989.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti izvi zvichaita kuti kutambirwa kwaVaNichols neSeneti kuve nyore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG