Accessibility links

Breaking News

Ambassador Nichols Vokurudzira Kuchengetedzwa kweTsika muZimbabwe


Amagugu

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vanoti zvakakosha kuchengetedza tsika nemagariro emarudzi evanhu akasiyana siyana.

Vachitaura semunyarikani pakuparurwa kwebhuku rinonzi “Preserving the Ndebele Art and Architecture” paAmagugu International Heritage Centre kuMatopos, VaNichols vati kuchengetedza tsika nemagariro evanhu vakaita severudzi rwevanhu vechiNdebele kwakakosha kana kuchitariswa nhoroondo yerudzi urwu munyika.

Bhuku iri, iro rakaitwa neAmagugu International Heritage Centre, rinotaura nezvetsika yekuvaka nekupenda dzimba dzinovakwa nemapango nedhaka kunoitwa nevagari vakawanda kunyanya madzimai, vanogara munzvimbo yeMatopos kumadokero kwakadziva kuchamhembe kweguta reBulawayo.

Vachipindura mibvunzo yevatapi venhau pamaonero avo pamusoro pemamiriro ezvematongerwo enyika muZimbabwe, VaNichols vatsinhira tariro yavo yekuti mutungamiri wenyika, VaEmMerson Mnangagwa, nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vataurirane.

Vatiwo zvakakosha kuti mitemo yakadai seAIPPA ivandudzwe, munyika muve nenhepFenyuro dzakawanda uyewo kuti National Peace and Reconciliation Commission iite basa rayo nemazvo kuitira kuti munyika muve nekupodzwa kwemaronda nekuregererana kwechokwadi.

Murongi wemabasa paAmagugu International Heritage Centre, VaButholezwe Nyathi, vati vafara nekuparurwa kwebhuku ravo vachiti kuvepo kwaro kunobatsira kuchengetedza tsika nemagariro erudzi rwechiNdebele.

Mumwe wemadzimai vanobatsira kusimudzira tsika yekupenda dzimba dzakavakwa nedhaka nemapango, Amai Lucy Hlatywayo, vatiwo vari kufara zvikuru kuti tsika iyi ichange yave kuziikanwa pasi rose nekuburitswa kwebhuku iri. Vati kupendwa kwedzimba uku itsika inobatsirawo kuchengetedzwa kwehutsanana.

Bhuku iri rakaburitswa nerubatsiro rwemari inopfuura zviuru makumi mana zvemadhora kubva kuhomwe yeAmbassador’s Fund for Cultural Preservation kubva kumuzinda weAmerica muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG