Accessibility links

Breaking News

America Inoudza VaMnangagwa Kusafara Kwayo neMhirizhonga Yakaitika


VaMnangagwa vachisangana nemumiriri weAmerica, VaBrian Nichols
VaMnangagwa vachisangana nemumiriri weAmerica, VaBrian Nichols

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vakasangana neChitatu nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiratidza kusafara kwavo nemhirizhonga ine chekuita nesarudzo yakaitika muHarare musi wa1 Nyamavhuvhu.

VaNichols vakaudzawo VaMnangagwa kuti havasi kufara nekushungurudzwa nekusungwa kwemutungamiri wePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti.

VaNichols vakaudza vatori venhau kuti musangano wavo naVaMnangagwa wakafamba zvakanaka chose uye vakataura pamusoro pezvakaitika musi wa1 Nyamavhuvhu pamwe nezvezviri kuitika munyika.

Vakati VaMnangagwa vakavavimbisa kuti vakazvipira kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekuona kuti vanhu vemuZimbabwe vagara murunyararo.

VaNichols vakati America yakazvipirawo kubatsira Zimbabwe kuti ive nehutongi hwejekerere uye vanoona sekuti nyaya yeshanduko iri kudeedzerwa neVaMnangagwa naVaNelson Chamisa veMDC Alliance inofanira kutsigirwa.

Panyaya yekuvandudzwa kwemutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Amendment Act, ZIDERA, Ambassador Nichols vakati mutemo uyu wakavandudzwa zvichiendereana nezviri kutika muZimbabwe uye vakati zviri kutaurwa naVaMnangagwa naVaChamisa zvinoratidza kuti zvinhu zviri kufamba nenzira yakanaka munyika.

Vakatiwo mutungamiriri wenyika yavo, VaDonald Trump, negurukota rinoona nezvekunze kweAmerica, VaMike Pompeo, vakazvipira kuvandudza hukama hwavo neZimbabwe kana ikaita zvakatarwa mumutemo weZIDERA.

VaNichols vakaramba nyaya yekuti America inotsigira mapato anokipisa vachiti nyika yavo inotsigira hutongi hwejekere, kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekuvandudzwa kwehupfumi kuitira kuti vanhu vagare zvakanaka.

VaMnangagwa vakatiwo VaNichols vakaita zvakanaka chose kusangana navo kuitira kuti vazvinzwire pamhuno sefodya matanho ari kutorwa nehurumende kuitira kuti vanhu vagare murunyararo.

Kunyange hazvo Zimbabwe yakaita sarudzo murunyararo mhirizhonga yakazoitika pamwe nekushungurdzwa kwenhengo dzemapato anopiksa kusanganisira vaimirira mapato aya musarudzo kwave kuita kuti nyika nemasangano epasi rese aone sekuti hurumende yaVaManangagwa haisi kurevesa pamashoko ayo ekuti inoda kuti vanhu vagare murunyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG