Accessibility links

Breaking News

America Inoti Yambomira Kutambira Nekutumira Matsamba Nemapasuro kuZimbabwe


Mushandi weUnited States Postal Services
Mushandi weUnited States Postal Services

Kambani inofambisa matsamba, yeUnited States Postal Services (USPS), yazivisa kuti haichatambiri matsamba nemapasuru anoenda kana kubva kunyika makumi maviri nembiri pasi pose, kusanganisira Zimbabwe.

Mugwaro ravo rechiziviso ichi, USPS yati yatora danho iri nekuti mamwe makambani ainoshanda nawo mukutambira nekuendesa matsamba nemapasuro kunyika idzi haachakwanisi kuita basa iri zvichikonzerwa nechirwere cheCoronavirus, kana kuti COVID-19.

Chirwere ichi chirikupararira zvinemutsindo pasi pose uye chiri kuuraya vanhu vazhinji zuva nezuva.

Nyika dzemu Africa dzataurwa neAmerica kuti haichakwanisi kutambira kana kutumira matsamba kwadziri dzinosanganisira Chad, Botswana, Libya, Madagascar neSouth Africa.

Dzimwe nyika dzisati dzichakwanisa kutumira kana kugashira matsamba nemapasuro kubva kana kuenda kuAmerica dzinosanganisira Ecuador, India, Kuwait, Peru, neSaudi Arabia.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachiita dzidzo dzepamusorosoro paHoward University, muWashington D.C., VaCalvin Manduna, vanoti havaoni sekuti izvi zvichanyanya kuvhiringa vanhu muZimbabwe nekuda kwedandemutande, kana kuti ‘internet’, uye nekushandiswa kwenharembozha, kana kuti ma ‘cellphone’, pasi pose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG