Accessibility links

Breaking News

POLAD Inosvitsa Gwaro reHudzamu hweZvirango zveAmerica muZimbabwe kuKomiti yeParamende yemuAmerica


Sachigaro vekomiti diki yeparamende yemuAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Karen Bass.
Sachigaro vekomiti diki yeparamende yemuAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Karen Bass.

Komiti yeparamende yeAmerica inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, yeU.S. House of Representatives Foreign Committee, neChipiri yakaita musangano wekuzeya hudzamu hwezvirango munyika dzemuAfrica, kusanganisirawo Zimbabwe.

Musangano uyu wakaitwa kuburikidza nedandemutande.

Komiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mumubatanidzwa wevatungamiri vemapato akakwikwidza musarudzo dzemuna 2018, wePolitical Actors Dialogue, kana kuti POLAD, yakasvitsawo kumusangano uyu gwaro rinoratidzawo hudzamu hwezvirango muZimbabwe.

POLAD yakave rimwe remasangano mana chete akakokwa kumusangano uyu, uye riri iro chete sangano rinobva kuAfrica.

Mutevedzeri wasachigaro wekomiti iyi, VaDivine Hove, vanove zvakare mutungamiri webato reNationalist Alliance Party, vanoti POLAD yayakokwa kumusangano uyu nekomiti yeparamende yekuAmerica iyi, iyo yaida kunzwisisa kuti zvirango zvinobata sei nyika dzemuAfrica, kusanganisirawo Zimbabwe.

Vamwe vatungamiri muZimbabwe vakatemerwa zvirango neAmerica vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu, asi hurumende pamwe nevamwe mubato riri kutonga reZanu PF vanoti zvirango izvi zvakatemerwa nyika yose uye zviri kukanganisa raramo yevana veZimbabwe.

VaHove vanoti zvimwe zvezvinhu zvavakaedza kujekesa mugwaro ravo ravakasvitsa kukomiti yeparamende yekuAmerica iyi kuburitsa pachena zviri kuitwa kuvana veZimbabwe nezvirango izvi.

VaHove vanoti makambani akawanda anototya kushanda neZimbabwe nekuda kwezvirango izvi, izvo zvinozoita kuti kana dai zvirango zviine vazvakanangana navo zvinozongobatawo chete vanhuwo zvavo.

POLAD yakasanganawo zvakare nemunyori mukuru weSADC. Doctor Stergomena Lawrence Tax vachikurukurra pamusoro pematanho arikutorwawo nesangano iri panyaya yezvirango iyi.

Hurukuro naVaDivine Hove
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG