Dambudziko remari rinonzi riri kuramba richienderera mberi munyika, sezvo mitsetse mumabhanga mazhinji chave chigariro musoro weshuro kushaya nyanga.
Mabhanga mazhinji anonzi haasi kukwanisa kupa vanhu mari dzavo, zvikuru vanenge vachida kutora iri mari yekuAmerica.
Izvi zvinonzi zvave kuita kuti munhu anenge achida kutora mari yake kubhanga apiwe yakasanganiswa yekuAmerica nema bond note.
Dambudziko iri rinonzi rave kukonzerawo kuti vanotengesa zvinhu vashandise mitengo yakasiyana kana munhu achitenga nemari yekuAmerica, kushandisa kadhi rekubhanga kana kutenga nema bond note.
Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti vezvitoro, zvikuru vanotengesa mafuta edzimotokari, vari kukwidza mitengo vachiti vari kunetsekana kuwana mari yekunze yekutenga nayo mafuta avanozopinza munyika.
Zvinonzi vamwe vave kutengesa mafuta awo nemari dziri pakati pedhora nemasendi makumi matatu nemaviri parita kana munhu achitenga nemari yekuAmerica, kusvika padhora nemasendi makumi matatu nemashanu kana achishandisa kadhi rekubhanga, kwozotiwo dhora nemasendi makumi matatu nemanomwe kana achitenga nemabhondi.
Facebook Forum