Accessibility links

Breaking News

Ambassador Thomas Vorumbidza Chirongwa cheYALI


Ambassador Harry Thomas Jnr
Ambassador Harry Thomas Jnr

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Harry Thomas Jnr, vanoti vanofara chose nezviri kuitwa vechidiki vakapinda muchirongwa cheYoung African Leadership Initiative kana kuti YALI kubvira pachakatanga muna 2014.

Vatiwo vachakurudzira hurumende yenyika yavo kuti irambe ichitsigira chirongwa ichi.

Vachitaura neStutio7 apo vaparura zviratidzwa zviri kuitwa nevechidiki vakapinda muchironga cheYALI kana kuti Mandela Washington Fellowship kubva muna 2014 apo chakatangwa, VaThomas vati YALI ndechimwe chezvirongwa zvinofadza chose pazvirongwa zvese zvinotsigirwa nehurmende yavo muZimbabwe.

VaThomas vati kunyange hazvo paine tarisiro yekuti rutsigiro rwemari kunyika dzekunze rungangoderedzwa nehurmende yavo ivo vacharwa vamire kuti chirongwa cheYALI chienderere mberi.

Vati zviratidzwa zveYALI EXPO zvinoratidza hunyanzvi hune vana veZimbabwe, zvichapera mangwana uye vachashandisa izvi sehumbowo wekusimbisa kuti hurumende yavo irambe ichitsigira chirongwa ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakapinda muchirongwa ichi kubvira muna2014 vari kuratidza hunyanvzi hwavo pamwe nezvavari kuita mumasangano kana kugadzira mukambani avo zvichitevera hunyanzvi hwavakawana pachirongwa cheYALI.

VaGolden Maunganidze avo vanodzidzisa zvidzidzo zvekutapa nhau paGreat Zimbabwe University zvakare vachidhinda bepanhau re TellZim kuMasvingo vanoti chirongwa ichi chakavabatsira zvikuru mubasa ravo rekutapa nhau nekufambisa mashoko.

VaMaunganidze, avo vakapinda muchirongwa cha2016, vati basa ravo rabudirira zvikuru nekuda kweruzivo rwavakawana pachirongwa cheYALI.

Vaive muchirongwa che 2015, VaTawanda Kembo, vati YALI yakavavhura pfungwa dzavo uye vakatotanga kambani yavo yeBitifinance iyo yave kubatsira vanhu kubhadhara mari kunze kwenyika vachishandisa mhando yemari inonzi maBiticoin.

Muzvare Irene Chikumbo vanoshandira kambani yeUdugu. vanoti vakawana hunyanzvi munyanya dzemabhizimisi apo vakapinda pachirongwa ichi muna 2014, uye vabatsira vechidiki vanodarika mazana maviri mukutanga kana kusimudzira mabhizimisi avo.

Vanorwira kodzero dzevanhu, VaTerry Mutsvanga, avo vakapinda muchirongwa ichi gore rapfuura vatiwo pavakabva kuAmerica vave kugadzira mifananidzo inoratidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemakambani anochera zvicherwa munharaunda dzavo.

Vechidiki vanodarika zana nemakumi masere vapinda pachirongwa ichi uye gore rino pane makumi matanhatu nemumwe vari kuenda kuAmerica pasi pechirongwa ichi munguva pfupi inotevera.

Chirongwa ichi chakatangwa naVaBarrack Obama nechinangwa chekupa hunyanzvi munyaya dzehutungamiri nemabhizimisi kune vechidiki vekuAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG