Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kusaina Chibvumirano cheUnited Nation Chinosungira Nyika Kuchengetedza Kodzero dzeZvizvarwa Zvadzo


UN logo
UN logo

Zimbabwe yakurudzirwa nenyika dzepasi rese kusaina zvisungo zveUnited Nations zvinorambidza kutyorwa kwekodzero dzevanhu, kutochwa pamwe nekudzikisira hupenyu hwevanhu. Izvi zvabuda pamusangano weUniversal Periodic Review waitwa nhasi kuGeneva, Switzerland.

Nyika dzakawanada dzinosanganisira Finland, United Kingdom, Ghana, Japan, Kenya, Malawi, America nedzimwewo dzakurudzira kuti Zimbabwe isaine chisungo che United Nations chekuti vanhu vasashungurudzwe, kana kuti United Nations Convention Against Torture and other Cruel, Inhuman or Degrading Treatment or Punishment

Zimbabwe yanziwo idzike mutemo unodzivirira kupambwa kwevanhu huyewo uchiita kuti avo vanonyangarisa vamwe zvechisimba vapiwe mitongo yakaoma.

Zimbabwe yanziwo iumbe komisheni inotambira zvichemo zvevanhu vanenge vashungurudzwa nemapurisa pamwe nemasoja huyewo kugadzirisa mitemo yenyika kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika.

Zimbabwe yakurudzirwawo kuramba ichisimbisa nyaya yekupiwa mikana yakaenzana pakati pevanhurume nevanhukadzi, kusimbisa zvisungo zvehurumende zvinobatsira vanotambura nevanowirwa nematambudziko pamwe nekuona kuti kodzero yedzidzo yasimudzirwa kuburikidza nekuona kuti dzidzo yepasi yapiwa pachena.

Zimbabwe yanga yakamiririrwa negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, munyori mubazi iri, Amai Virginia Mabhiza nemumiririri weZimbabwe kuGeneva Switzerland, Va Staurt Comberbach.

VaZiyambi vaudza musangano uyu kuti hurumende iri kushanda zvakasimba vachishandawo nemasangano akazvimiririra ega mukusimudzira kodzero dzeveruzhinji munyika.

Vatiwo hurumende iri kushanda kukurudzira kodzero dzedzidzo, kodzero yehutano, kusimudzira kodzero munyaya yezvematongerwo enyika pamwe nekusimudzira kushanda zvakanaka kwematare akasununguka.

Vachipindura nyaya yekupambwa kwevanhu munyika, VaZiyambi vati hurumende naiyowo inoshungurudzika zvikuru nekunyangarika kwevanhu vakati ichiri kutsvakiridza kuti zvii zvakaitika kuna Itai Dzamara nevamwe vakanyangarika.

Vatiwo hurumende inosuwa zvakanyanya nekurasika kwakaita hupenyu muna Nyamavhuvhu wa2018 naNdira wa2019 asi vakati ratidziro yakaitwa iyi yaive nemhirizhonga uye hurumende ichiri kuongorora nyaya yemhirizhonga iyi.

Panyaya dzekushandisa denda reCovid-19 senzira yekumbunyikidza kodzero dzakadai sekutsvaka vatungamiriri, VaZiyambi vati hurumende yaitadza kuita maby-elections nekuda kwedenda iri pamwe nezvirango zvakatemerwa nyika.

Zimbabwe yakurudzirwawo kusimudzira kodzero yehutano dzimwe nyika dzichiti kusabhadharwa zvakanaka kwevashandi vezvehutano nekusavapo kwemishonga nemichina zviri kukanganisa kodzero iyi.

Mukuru weZimbabwe Human Rights Association, VaDzikamai Bere, vati kurudziro dzabuda kumusangano weUPR uyu dzakakosha zvikuru vakati hurumende ikakwanisa kuteerera zvakurudzirwa , Zimbabwe inosimukira.

VaBere vatiwo vanowirirana nekurudziro yanyanyobuda zvakanyanya yekuti Zimbabwe isaine mutemo unorambidza kutochwa kwevanhu.

VaBere vatiwo kurudziro idzi dzakakosha zvakanyanya sezvo nyika iri kugadzirira sarudzo.

Pamusangano uyu dzimwe nyika dzinosanganisirawo Iran, Malawi neRussia dzashora kutemerwa kwezvirango zvehupfumi kune vamwe vakuru vakuru muhurumende kwakaitwa nenyika dzekumavirira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG