Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuvandudza Mitemo Kuitira Kuti Vanotamiswa neHurumende Varipwe


Zimbabwean children sit among salvaged possessions at a transit camp for over 100 families displaced by floods near the Tokwe-Mukorsi dam about 430km (267 miles) south of Harare, Feb. 13, 2014.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rightskana kuti ZLHR anoti hurumende yeZimbabwe haisi kubatsira vanhu vanosiiswa misha yavo nezvikonzero zvakasiyana siyasiyan kana kuti Internally Displaced Persons pachirungu.

Magweta aya anoti hurumende inofanira kuvanduza mitemo kuitira kuti ikwanise kubatsira vanhu ava, avo vanofungidzirwa kuti vanosvika miriyoni imwe chete.

Vachitaura pamusangano wekuzeya kuti mitemo ungagadziriswa sei kuti hurumende ikwanise kupa vanhu ava kodzero dzavo, imwe nhengo ye ZLHR, VaJeremia Bamu, vati pane mitemo yakawanda inobata bata nyaya dzevanhu asi mitemo iyi ionfanira kusimbaradzwa.

Vati bumbiro remitemo yenyika rinopa vanhu kodzero dzavo asi mitemo inoona nezvevanhu vanenge vasiiswa misha yavo haisati yavandudzwa kuti ienderane nebumbiro remitemo iri.

VaBamu vati kunyange hazvo hurumende yakasaina chisungo cheAfrican Union chinosungira kuti nyika dziremekedze kodzero dzevanhu ava, che African Union Convention for the Protection and Assitance of Internally Displaced Persons in Africa, kana kuti Kampala Convention, hurumende haisi kutevedza chisungo ichi.

Pasi pechisungo ichi, hurumende dzinosungirwa kuchengetedza vanhu vanenge vasiiwa misha yavo asi Zimbabwe haina mutemo unosungira hurumende kuita izvi.

VaBamu vati mitemo yakaita seCivil Protection Act, Refugee Act, Missing Persons Act, Citizenship Act neBirth and Registry Act iyo inobata nyaya dzevanhu vanenge vasiiswa misha yavo, inofanira kuvandudzwa kuti hurumende ikwanise kubatsira vanhu ava zvakakwana.

Vatiwo zvakakosha kuti hurumende iumbe homwe yemari yekubatsira vanhu ava.

Imwe nhengo yeparamende yapinda mumusangano wanhasi, Amai Revayi Muguti, vemuHarare, vati mhuri idzi dziri kutambura zvakanyanya uye zvakakosha kuti hurumende idzibatsire.

Imwe nhengo yeparamende, Amai Machirarwa Mugidho vekuChiredzi, vakumbira magweta eZLHR kuti arambe achibatsira vanhu ava zvikuru sei vanogara kumaruwa.

Vanhu vakawanda munyika vanosiiswa misha yevo nekuda kwemabasa ebudiriro zvakaita sekubviswa kwakaitwa vanhu paivakwa dhamu reTokwe Mukosi.

Amai Muguti vatiwo havawoni chikonzero chekuti sei hurumende isina kuripa vanhu vakabviswa kwaMarange sezvo kwaicherwa mangoda.

Chimwe chikonzero chinosiiswa vanhu mishayavo imhirizhonga yezvematongerwo enyika uye nhengo dzeparamende dzakumbira veZLHR kuti vavandudze basa ravo sezvo nyika yatarisana nesarudzo gore rino.

Rimwe gwera reZLHR, Muzvare Belinda Chinowawa, vati sangano ravo rinobatsira pese apo panenge patyorwa kodzero dzevanhu uye vanhu vakasununguka kuenda kusangano iri kana kodzero dzavo dzatyorwa.

Zimbabwe ine nhoroondo yevanhu vanosiiswa misha yavo kubvira nyika isati yawana rusunguko kusvika pari zvino pasina chavanopihwa nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG