Accessibility links

Breaking News

Hurumende Youkurudzirwa Kuderedza Huwandu hweVasungwa Mumajeri


Zimbabwe Prisoners
Zimbabwe Prisoners

Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kukurudzira hurumende kuti ideredze huwandu hwevasungwa vari kugara vakamanikidzana sembeva mumajeri emunyika izvo zvinoita kuti kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19 kuenderere mberi.

Munyori mukuru musangano remagweta reMasvingo Lawyers Association, VaPhilip Shumba, vanoti hurumende inofanirwa kukurudzira vatongi vematare edzimhosva kuti vasape mitongo yekugara mumajeri kuvanhu vanenge vapara mhosva diki, asi kuti vanhu ava vapihwe mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo sezvo majeri emunyika akazarisa.

Kunyange hazvo bazi rinoona nezvevasungwa munyika, reZimbabwe Prisons and Correctional Services, (ZPCS) risiri kubuda pachena kuti munyika mune vasungwa vangani vakabatwa kana kufa nechirwere cheCovid-19, vanorwira kodzero dzevanhu vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumajeri ari munyika.

Mutauriri wekomiti yeCovid-19 muMasvingo, VaRodgers Irimayi, vanoti pajeri reMutimurefu kuMasvingo, pane vasungwa vakabatwa nechirwere ichi.

Vachitura mashoko avo pamusoro pedambudziko reCovid-19, mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakakurudzirawo hurumende kuti isangokanda munhu wese anenge apara mhosva kujeri sezvo kusina kumira zvakanaka izvo vakati zviri kuvhiringa hutano hwevasungwa.

VaChamisa vakati vanhu vanenge vachipomerwa mhosva diki vapihwe mukana wekubvisiswa mari dzechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo senzira yekudzikisa huwandu hwevasungwa vari mumajeri emunyika..

Mukuru wemabasa musangano re Zimbabwe Association of Crime Prevention and Rehabilitation, VaEdison Chihota, vanoti hurumende inofanira kutsvagira vasungwa rubatsiro rwezvikwanisiro kubva kumasangano akazvimirira nekuti hurumende iri kutadza kuita izvi.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai
Mafunda, vanoti vakatoendesa hurumende kudare redzimhosva repamusoro kuti ipe vasungwa zvikwanisiro zvekudzivirira chirwere cheCovid-19 uye vamirira kuturwa kwemutongo panyaya iyi munguva diki inotevera.

Majeri makumi mana nematanhatu ari munyika yose, anonzi ane vasungwa vanosvika zviuru makumi maviri nezviviri, kana kuti 22 000, asi majeri aya achikwanisa kuchengeta vanhu vasingadariki zviuru gumi nezvinonwe, kana kuti 17 000.

Pakatanga chirwere ichi gore rapera, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaregerera vasungwa zviuru zvishanu munyika yose senzira yekuderedza huwandu hwevasungwa vari mumajeri vachiti iyi yaive imwe yenzira dzekuderedza kutapuriranwa kwechirwere ichi mumajeri.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanoti nedambudziko rechirwere cheCovid ririko iri, huwandu hwevasungwa vari mumajeri hunofanirwa kudzikiswa nezvikamu makumi mashanu kubva muzana, kuitira kuti vasungwa ava vasagare vakamanikidzana.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemutemo, VaZiyambi
Ziyambi, kuti vatipe pfungwa dzehurumende panyaya iyi.

Ukuwo mutauriri weZPCS, Amai Meya Kanyenzi, avo vakambovimbisa kupa Studuo7 huwandu hwevasungwa vabatwa nechirwere ichi, havana kuzoita izvi sezvo vakange vasisadaire nhare yavo pamwe nekusapindura tsambambozha yatakavatumira.

Asi gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa,
vakaudza vatori venhau kuti mukugadzirisa dambudziko iri, hurumende
yakaisa mutemo wekurambidza hama dzevasungwa kuvashanyira kuitira kuti chirwere ichi chisapararire mumajeri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG