Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kupinda Muvanhu Ichivabaya Nhomba yeCovid-19


Mufakose Vaccination Clinic2
Mufakose Vaccination Clinic2

Vanhu vakawanda vari kumaruwa vanoti vari kutadza kubayiwa nhomba yeCovid-19 sezvo vari kure nenzvimbo dziri kubayirwa vanhu nhomba.

Mugari wekuShurugwi kuModlands, VaGreyham Gavi, vati vari kunetsekana kuwana nhomba yepirikuchipatara chiri pedyo navo cheZvamawande.

Kuchipatara cheTongogara chiri kuShurugwi zvakare vamwe vanga vaendako vatiwo vashayawo nhomba yepiri yeSinovac.

Mumwe mugari wekoShurugwi, VaCleopas Bhunu, vatiwokumboshaikwa kwenhomba dzeCovid-19 kunoodza moyo sezvo vanhu vanenge vafamba mitunhu mirefu kuenda kuzvipatara.

VaBhunu vatiwo dai hurumende yakwanisa kuisa vanhu vanofamba vachibaya vanhu mumisha yevanhu vachiti kwavanogara kune vanhu vakawanda vasingakwanisi kufamba kuenda kuzvipatara nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana.

Nyanzvi mune zvehutano vari mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti zvinenge zvakanaka kana hurumenfe ikapinza vanhu mumisha vachibaya vagarI nhomba yeCovid-19.

Vaimboveve gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance, VaHenry Madzorera, vatiwo kana hurumende ikakwanisa kuswededza vanobaya kumisha inogara veruzhinji kusanganisira kumaruwa, zvinogona kubatsira mukuwedzera huwandu hwevanobayiwa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano nenzvenyaya iri kukurudzirwa iyi sezvo tatadza kubata mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, pamwe nemutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri.

Asi hurumende inotiine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Hurumende inotiwo kubva nhasi kusvika neMugovera ichange ichitambira nhomba yeSinopharm ine huwandu hwakasiyana siyana asi yese pamwe chete iri miriyoni nechidimbu.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti Covid-19 yakauraya vanhu makumi maviri nevashanu, uye vanhu mazana mana nemakumi mashanu nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zviuru zana nemakumi maviri nechimwe nemazana mana makumi mapfumbamwenevasere (121 498), uye vafa nechirwere ichi vava zviuru zvinanezana nemakumi masere nemumwe, (4 181).

Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga munyika yese vave pamamiriyoni mavirinezvuru zana zvine makumi mapfumbamwe nezvitatunemazana matatu nemakumi mananevatanhatu(2 193346).

Vabaiwa nhomba yepiri vave miriyoni nezvuru mazana matatunemakumi mana nezvisere nemazana matatu nemakumi manomwe nevana(1 348 374).

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG