Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuongorora Vanhu Vakawanda Munyika Chirwere cheCovid-19


Masks unaffordable
Masks unaffordable

Nyanzvi mune zvehutano dziri kuyambira kuti hurumende itange hurongwa hwakakura hwekuongorora vanhu vose vari munyika chirwere cheCOVID-19 sezvo paine huwandu huri kukwira hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi asi vasina kana kumbobuda munyika.

NeChina pavanhu gumi nevaviri vakabatwa kuti vane hutachiona hweCoronavirus, vaviri vagari vemunyika vasina kumbobuda huye vasina kumbosangana nemunhu ane chirwere cheCovid-19.

Nemusi weChitatu pavanhu gumi nevana vakawanikwa vane chirwere cheCOVID-19, gumi nevatatu vakabatira chirwere ichi munyika huye gumi neumwe havazikanwi kuti vakawana chirwere ichi sei.

Ukuwo neChipiri pavanhu gumi nevanomwe vakabatwa chirwere ichi, vanhu vatatu vakabatirira chirwere ichi munyika muno uye vaviri havazivikanwi kuti vakawana chirwere ichi sei.

Kukwira kwehuwandu uhwu ndokunonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano imviro-mviro yekuratidza kuti munyika mune vanhu vane COVID-19 asi vasati vaongororwa.

Munyori mukuru wesangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Norman Matara, vati vari kunetsekana nekukwira kuri kuita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi vagara vari munyika vachiti kunyanya avo vanenge vasingazivikanwi kuti chirwere ichi vakachibatira sei.

VaMatara vati zvakakosha kuti hurumende ichitanga kuongorora veruzhinji munyika sezvo zvava kuratidza kuti panogona kuva nevane chirwere ichi asi vasingazivi huye vasingazivikanwi nehurumende.

VaMatara vati kuungana kuri kuita vanhu vachitsvaka chauviri zvakadai sepamitsetse yehupfu, pamabanga vachitsvaka mari uye mukutsvaka zvekufambisa inzvimbo dzinoita kuti zvive nyore kuti vanhu vatapurirane chirwere ichi.

Izvi zvatsigirwa nevaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa uye vari munyori wezvehutano mubato guru rinopikisa, reMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, avo vati kukwira kwehuwandu uhwu mucherechedzo wekuti chirwere chiri kupararira. VaMadzorera vakurudzira kuti hurumende itore matanho chirwere ichi chisati chaputira nyika yese.

VaMadzorera vatiwo hapana chakaipa kuti hurumende painobudisa huwandu hwevanhu vanenge vabatwa nechirwere ichi itaure nzvimbo dzinenge dzawanikwa vane chirwere ichi vagara vari munyika. Vatiwo vanhu vakaziva kuti chirwere chave munharaunda yavo vanokoshesa zvakanyanya kutora matanho ekuzvidzivirira.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vabvumawo kuStudio 7 kuti kuburitsa nzvimbo dzinenge dzichigara avo vanobatwa nechirwere ichi munharaunda dzemunyika kunogona kubatsira kuti vanhu vatore matanho akasimba ekuzvidzivirira kuchirwere ichi.

Pavabvunzwa nezvematanho achatorwa nebazi rezvehutano kudzikisa huwandu hwevanhu vari kubatwa neCoronavirus vagara vari munyika, VaMujiri vati vanga vachida kumbotsvaka ruzivo nezvazvo kubva kuvashandi vakasiyana-siyana vemubazi iri.

Zimbabwe, sedzimwe nyika pasi rose, iri mubishi rekurwisa chirwere cheCovid-19 icho chabata vanhu vanodarika mazana matanhatu negumi nevanomwe, uye pasi rose, chirwere ichi chabata vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nerimwe, uye vanhu vafa pasi rose vadarika zviuru mazana mashanu nemakumi maviri nezvishanu, kusanganisira vanomwe vemuZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG