Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kubvuma Kuti Zvinhu Zvakaita Manyama Amire neRongo Munyika


Rev Dr Kenneth Mtata
Rev Dr Kenneth Mtata

Nyanzvi munyaya dzerunyararo pamwe nedzematongerwo enyika dzinoti zvinhu zvicharamba zvakaita manyama amire nerongo muZimbabwe kana hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, ikaramba yakaomesa musoro ichiti munyika hamuna matambudziko.

Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti Zimbabwe haisi kuzofambira mberi kana hurumende ikaramba achiratidza kuti haisi kunzwisisa matambudziko akatarisana neveruzhinji.

Muzvare Mukoko, avo vakambopambwa vakatochwa vari mumaoko ehurumende muna 2008,vanoti kunyange hazvo vari kutonga nyika vasiri kubvuma kuti zvinhu zvakaminama muZimbabwe, veruzhinji munyika vari kugara vari panyanga dzamushore.

Imwe nyanzvi munyaya dzerunyararo, Reverend Ray Motsi, vanoti kana pasina muonera pamwe unoitwa nrvanhu vemuZimbabwe, hapana chinogadzirisika munyika.

VaMotsi vanoti kunyange hurumende iri kuti munyika hamuna dambudziko, chokwadi chiripo ndechekuti veruzhinji vari kutambura zvakanyanya munyika yavo.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vanoti semachechi, maonero avo ndeyekuti nhaurirano ndiyo chete nzira ingagadzirise zviri kunetsa munyika.

VaMtata vanotiwo zvizvarwa zveZimbabwe pachazvo, kana zvikabatana zvichiita muonera pamwe, ndizvo chete zvinogadzirisa matambudziko akasunga nyika mbiradzakondo.

Mumwe muongorori wezvematongerwo enyika, Dr Tinashe Mawere, vanotiwo kana pasina kuwirirana kuti munyika mune zviri kunetsa, hapana kufambira mberi kungaite Zimbabwe senyika.

Zviri kutaurwa nenyanzvi munyaya dzerunyararo zvakatsigirwawo nemizinda iri muZimbabwe yenyika huru dzinobatsira Zimbabwe munyaya dzakasiyana.

Vamiriri vemizinda iyi vakaburitsa gwaro riri kushora zvikuru kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu muZimbabwe pamwe nehuori huri kuitwa munyaya dzezvicherwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, sezvo gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vange vasingabatike panhare mbozha yavo.

Asi vachipindura padanho rakatorwa nemizinda iyi, iyo inosanganisira Canada, America, Netherlands nemimwe, mushandi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vakati nyika iyi dzinofanirwawo kuteerera zviri kutaurwa nehurumende yeZimbabwe.

Sachigaro veZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vanoti vanhu vanofanirwa kuisa misoro pamwe chete vogadzirisa zvinenge zvichinetsa munyika mavo.

Komisheni yaVaMugwadi, iyo inovawo boka rakaumbwa nehurumende, rakaburitsawo mashoko enyunyuto pamusoro pekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Komisheni iyi yakakuridzirawo hurumende kuti iferefete nyaya dzose dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Asi hurumende inoti kunze kwedambudziko reCovid-19, hapana matambidziko ari munyika, uye vari kuti munyika mune matambudziko, vanhu vari kushandiswa nevavengi vane chinangwa chibvisa hurumende iripo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG