Accessibility links

Breaking News

Masangano eVagari Anoburitsa Gwaro reMashandisirwo eMari neMakanzuru


Guta reKwekwe
Guta reKwekwe

Masangano anomiririra vagari vemumadhorobha anosanganisira reHarare Residents Trust pamwe chete neCombined Harare Residents Association, CHRA, akaparura gwaro rinotaridza kushandiswa kunoitwa mari uyewo mashandisirwo anofanirwa kuita mari nemakanzuru emumadhorobha.

Gwaro iri, iro rinonzi nemukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, rakatora mwedzi mitanhatu kunyora zvakawanikwa muongororo yakaitwa nemasangano aya, rakaitwa pasi pechirongwa chinonzi "We Pay, You Deliver," zvichireva kuti vagari vanobhadhara mari dzavo, ivo votarisirawo kuti makanzuru anovawanisa zvose zvavanoda.

Chirongwa ichi chinokuridzira kushandiswa zviri pachena kwemari dzinobhadharwa nevagari mumaguta anosanganisa Bulawayo, Gweru, Harare, Masvingo neMutare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG