Accessibility links

Breaking News

Vashandi veMakanzuru eMaguta neMadhorobha Voti Vanoda Mihoro yeMari yeKunze


Vashandi vemakanzuru vari kuti mari yemunyika haina chaichatenga sezvo zvinhu zvizhinji zvave kutengeswa nemari yekuAmerica.
Vashandi vemakanzuru vari kuti mari yemunyika haina chaichatenga sezvo zvinhu zvizhinji zvave kutengeswa nemari yekuAmerica.

Sangano rinomirira vashandi vemakanzuru emumaguta nemadhorobha, reZimbabwe Urban Council Workers’ Union (ZUCWU) rinoti riri kukurudzira kuti vashandi vose vemakanzuru aya vabhadharwe mihoro yavo pamwe nemari dzekubatsirika dziri mumadhora ekuAmerica.

Sangano iri rakatonyorera makanzuru aya pamwe nesangano rinomirira makanzuru emumaguta nemadhorobha, reUrban Councils Association of Zimbabwe svondo rapera richivazivisa nezvedanho iri.

Munyori weZUCWU, VaKudakwashe Munengiwa, vanoti sangano ravo rakatora danho iri nekuona kuti mihoro yevashandi vemakanzuru yavari kuwana iri mumadhora emunyika haina chaichakwanisa kubatsira nacho sezvo dhora remunyika risisina simba.

VaMunengiwa vanoti zvinhu zvizhinji munyika zvave kutengeswa nemari yekuAmerica izvo zvinoisa vashandi pakaoma sezvo vasiri kuwana mari iyi.

Vanoti sangano ravo riri kuda kuti zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemihoro yevashandi zvinge zviri mumadhora ekuAmerica uye makanzuru anofanirwa kutevera zvakaitwawo nehurumende zvekubhadhara vashandi vayo mari dzekubatsirikana munguva yeCovid-19 dziri mumadhora ekuAmerica.

Sangano reZUCWU rinoti hapana asingazive kuti makanzuru ari kubhadharisa mimwe mitero nemari yekunze uye ari kutenga zvinhu zvekushandisa achishandisa mari yekunze, nekudaro haangakundikane kuwana mari yekubhadhara vashandi vayo.

Studio 7 yakundikana kubata vakuru vemamwe makanzuru kuti tinzwe pavamire panyaya iyi.

Asi mutauriri wekanzuru yeChitungwiza, VaLovemore Meya, vati vanga vasina ruzivo nezvetsamba iyi.

Hurukuro naVaKudakwashe Munengiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG