United Nations Population Fund nemusi weChina svondo rapfuura yakaparura muzinda wekupotera kana vasangana nemhirizhonga yemudzimba kana kumbunyikidzwakana kuti One Stop Centre.
Chirongwa ichi chiri pasi pechirongwa che GV 365 chinova mubatanidzwa pakati pebazi reUnited Nations iri, hurumende dzeBritain, Sweden nemubatanidzwa weEuropean Union.
Mumiriri webazi reUnited Nations Population Fund munyika Dr. Esther Muia vachiparura chirongwa ichi vakati vanhu vanofanirwa kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurangangarira kumiswa kwemhirizhonga yemudzimba mazuva ose pagore kwete mumazuva akatarwa.
Vachitaura pakupemberera kuvhurwa kwemusha wekupotera weavo vanenge vashungurudzwa mudzimba mukuru muChinhoyi, Dr Muia vanoti nyika inofanirwa kurangarira kumiswa wemhirizhonga yemudzimba mazuva ose kuti huwandu hwemhirizhonga dzemudzimba huderere.
Vachitaurawo pachiitiko mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Amai Priscila Makotose, vakataura vakamirira mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga vakati mhosva dzemhirizhonga dziri kuwanda gore negore.
Vakeenderera mberi vakati gore rino kwaparwa mhosva dzine chekuita nemhirizhonga dzemudzimba dzinosvika zviuru makumi maviri nemazana mashanu nemakumi matatu nemana zvichienzaniswa negore rakapera apo pakaparwa mhosva dzinosvika zviuru makumi maviri nezana rine makumi manomwe nemaviri.
Amai Makotose vanoti havasi kuzopeta maoko vanhu vachipara mhosva dzekushungurudza vamwe mudzimba dzinosanganisira kubatwa chibharo kunonzi kuri kuparwa dzimwe nguva nevehukama.
Bazi remagweta anomiririra madzimai anenge ashungurudzwa mudzimba reZimbabwe Women Lawyers Association rinoti madzimai akawanda zvichienzaniswa nakare vari kuuya kuzoyamurwa nemagweta ebazi ravo.
Mumiriri wesangano iri Muzvare Mulela Nyatsuro vakatiwo vamwe varume vari kurohwa mudzimba vave kubuda pachena.
Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kumiswa kwemhirizhonga dzemudzimba kubva musiwa 25 Mbudzi kusvika musiwa 10 Zvita. Gore rino mazuva aya ari kurangarirwa pasi pedingindira rakanangana nekudzivirira kubatwa chibharo kana kuti “Prevention, Protection, Participation and Services: End Gender Based Violence”
Facebook Forum