Accessibility links

Breaking News

Zvikoro zvePamusorosoro Zvorumbidzwa neBasa Guru reKugadzira Zvikwanisiro zveChirwere cheCovid-19


Komiti yeparamende inoona nezvedenda reCovid-19 inoti zvikoro zvepamusoro munyika zviri kubatsira zvikuru pakurwisana neCovid-19 nekugadzira mbatya dzekudzivirira kupararira kwedenda iri kana Personal Protective Clothing, PPEs, masanitaiza nezvimwe.

Izvi zvinoitika apo hurumende iri kupona nerubatsiro runobva kune dzimwe nyika nemasangano anopa rubatsiro kutenga zvinhu izvi.

Mutevedzeri wasachigaro wekomiti iyi, Muzvinafundo Amon Murwira, vanoti zvikoro izvi zviri kushanda zvakaomarara kubatsira vana veZimbabwe.

Mwedzi wapera, zvikoro izvi zvakaendesa kukambani yehurumende inoona nezvemushonga yeNatpharm mamasiki miriyoni imwe nemazana mana ezviuru nemarita ema sanitizer anodarika mazana mapfumbamwe ezviuru.

Zvimwe zviri kugadzirwa nemayunivhesiti zvinosanganisira shangu nedzimwe mbatya dzekushandisa muzvipatara.

Vatiwo Harare Institute of Technology yave pedyo nekupedza kugadzira muchina wekubatsira varwere kufema kana kuti Ventilator pachirungu.

Zvikoro zvepamusoro zviri kugadzirra maPPEs zvinosanganisira, University of Zimbabwe, National University of Science and Technology, Chinhoyi University of Technology, Great Zimbabwe University pamwe neBindura University of Science.

Svondo rino Bindura University of Science Education yakazivisa kuti yakawana mari inodarika mamimiriyoni makumi matatu emadhora emuno nekugadzira nekutengesa maPPEs.

Mumwe mugari wemuHarare, VaOwen Dhliwayo, vanoti zviri kuitwa nemayunivhesiti zvakanaka chose asi vachiti mari inowanikwa kubva mukugadzira maPPEs nezvimwe ishandiswe mukusimudzira mabasa ekuongorora nekubatsira kutsvaga mushonga unorapa PPEs.

VaDhliwayo vanoti mayunivhesiti ndiwo anofanira kutungamira mabasa ekuongorora denda reCovid-19.

Mukuru anoona nezvemishonga mubazi rezvehutano, VaNewman Madzikwa, vakaudza paramende svondo rapfuura kuti vainge vasara nemaPPEs anokwana mwedzi chete uye vainge vachitarisira kuwana mamwe kubva kuGlobal Fund svondo rino.

Vakati kubatwa zvakanyanya kwakaitwa vanhu neCovid-19 pamwe nekurega kuramwa mabasa kwaitwa nevakoti muna Zvita gore rapera ndiko kwaita kuti maPPEs ashandiswe zvakanyanya muzvipatara.

Kunyange hazvo denda reCovid-19 rakatanga gore rapfuura, Zimbabwe haina kuisa parutivi mari yekurwisa denda iri mubhajeti rayo regore rino, uye pari zvino iri kupona nerubatsiro runobva kumasangano anobatsira pamwe nedzimwe nyika.

Global Fund yakatopa Zimbabwe mamiriyoni makumi mana nemapfumbamwe emadhora ekuAmerica ekurwisa Covid-19 uye China svondo rino yakapa Zimbabwe mishonga yenhomba mazana maviri ezviuru yekudzivirira Covid-19.

Zimbabwe inoti ine mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica ekurwisa Covid-19 asi machiremba nevakoti vari kuchema kuti havana zvikwanisiro zvakakwana muzvipatara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG