Accessibility links

Breaking News

‘Degree’ Rakapiwa Amai Mugabe Rosungisa VaNyagura


Amai Grace Mugabe

Mukuru we University of Zimbabwe, muzvinafundo Levi Nyagura, vamiswa pamberi pedare neMugovera vachipomerwa mhosva yehuori panyaya yekupa ‘degree’ repamusoro, rePhD, kuna Amai Grace Mugabe muna 2014.

Imwe nhengo yeZimbabwe Anti Corruption Commission, VaGoodson Nguni, vaudza Studio 7 kuti VaNyagura vabhadhariswa mazana maviri emadhora semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Dare rati VaNYagura vadzoke kudare musi wa 5 Kurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG