Musangano webato riri kutonga muAmerica, reRepublican Party, kana kuti GOP watanga neMuvhuro kuCharlotte, muNorth Carolina, matunhu ose ebato iri achidoma zviri pamutemo VaDonald Trump, vanove mutungamiri wenyika, pamwe nemutewedzeri wavo, VaMike Pence, kuti vamirire bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa muna Mbudzi.
Vachitambira kudomwa kwavo, VaTrump vashora bato reDemocratic Party vachiti riri kutsigira hurongwa hwekuvhota neposvo kuburikidza nekutumira magaro ekuvhotesa kuvanhu vasina kumbobvira vaakumbira.
Vayambira nhengpo dzavo kuti dzingwarire vachiti mugore ra2016 vaive mutungamiri wenyika VaBarack Obama naVaBiden vaisora hurongwa hwavo hwekutsva rutsigiro.
VaTrump vati sarudzo dzegore rino dzakakosha zvikuru munhoroondo yenyika yavo.
Kudomwa kwaVaTrump uku kunoreva kuti vakakunda musarudzo vanenge voramba vari pachgaro kwemamwe makore mana.
Musangano uyu uri kupindwa nevanhu vanosvika mazana matatu nemakumi matatu nevatanhatu (336), avo vanove ndivo chete vari kumirira matunhu ose eAmerica nekuda kwemitemo inorambidza kuungana kwevanhu vakawanda munguva ino yechirwere cheCovid-19.
Vamwe vachataura neMuvhuro vanosanganisira mwanakomana waVaTrump mukuru, VaDonald Trump Jr, VaTim Scott pamwe naAmai Nikki Haley.
Musangano wakadai wakaitwa muna 2016 wakapindwa nenhengo zviuru zviviri nemazana mana kana kuti 2,400.
Komiti huru yebato iri, yeRepublican National Committee, yakatozivisa kare kuti musangano uyu uchatambira zvisungo zvinosanganisira chagara chichitungamidzwa mberi naVaTrump chekuti America kutanga, uye kuti hapana zvisungo zvitsva zvebato zvichatambirwa kusvika pachaitwa mumwe musangano muna 2024.
Musangano uyu uchakurudzirawo kuti venhau vaburitse nhau vasina kurerekera divi rimwe chete, uyewo kuti kurudziro yekuti pashandurwe gwara rebato haisi kuzotambirwa kana yakasimudzwa pamusangano uyu.
Kusiyana kwemusangano wegore rino nemimwe misangano yebato iri yemakore adarika kuri pakuti VaTrump vataura pazuva rekuvhura musangano, kwete pazuva rekupedzisira pavaitarisirwa kutambira kudomwa kwavo.
Musangano weRepublican Party unouya mushure memusangano weDemocratic Party, uyo wakaitwa svondo rapera apo VaBiden nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris vakadomwa zviri pamutemo kumirira bato musarudzo.
Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuRaleigh, mudunhu reNorth Carolina, VaEsau Mavindidze, vanoti nguva ino inguva yemisangano yemapato achakwikwidza musarudzo yekuti adome nhengo dzichakwikwidza dzakaamirira, uyewo kuti azvishambadze pamberi pesarudzo.
Asi vanoti VaTrump vaifanirwa kutevera nhoroondo yebato ravo yekuti anenge achizodomwa kumirira baato musarudzo anotaura kwekupedzisira, asi vanoti hazvinyanyovashamisa nekuti VaTrump munhu anoda mbiri zvakanyanya.
VaMavindidze vanoti vanotarisira kuti musangano uyu uchasimbisa zvinosundwa naVaTrump zvekuti vabvakunze vakaipa, vanopara dzimhosva muno muAmerica, kupomera Democratic Party mhosva yekuda kuti munyika musave nemapurisa nezvimwe zvinoda kunzwikwa nevatsigiri vavo.
Vanoti nekuda kwekubudirira kwakaita musangano webato reDemocratic Party, maRepublican achange aine mutoro mukuru wekuti musangano wavo ubudirirewo.
Facebook Forum