Accessibility links

Breaking News

America Inocherechedza Mwedzi waKukadzi seMwedzi weNhoroondo yeVatema


Gore rino mwedzi waKurume wakakosha nekuti ndipo pakapindawo muhurumende mudzimai wechitema wekutanga kuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris
Gore rino mwedzi waKurume wakakosha nekuti ndipo pakapindawo muhurumende mudzimai wechitema wekutanga kuve mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris

Mwedzi uno waKukadzi wakakosha zvikuru muAmerica umo zvizvarwa zvenyika iyi zviushandisa mukurangarira nhoroondo yevanhu vatema, kana kuti “Black History Month”, chiitiko chinoitwa gore roga roga.

Iyi ndiyo nguva inorangarirwa mabasa akakosha ose akaitwa nevatema vari munyika iyi kubva kare kare.

Vanhu vanocherechedza mwedzi uyu kuburikidza nekuita zvinhu zvakasiyanasiyana, zvinosanganisira mitambo, mabasa ekubatsira, kupa rubatsiro kumapoka evatema kana mhuri dzechitema nezvimwe zvakawanda.

Hurongwa hwekucherechedza nhoroondo yevatema hwakatangwa nemumwe mutema, VaCarter G. Woodson muna 1926, asi muna 1976 vaive mutungamiri wenyika yeAmerica, VaGerald Ford, vakazoita kuti mwedzi uyu ucherechedzwa nenyika yose.

Dzimwe nyika dzinoti Canada, Ireland, Netherlands ne United Kingdom dzave kucherechedzawo nhoroondo yevatema iyi.

Dingindira regore rino rinoti “Black Family: Representation, Identity and Diversity.” Masangano evatema akasiyanasiyana anocherechedza mwedzi uyu kuburikidzawo nekuita zvakasiyanasiyana.

Rimwe remasangano aya ndere African Immigrant Caucus.

Nhengo yebhodhi reAfrican Immigrant Caucus, Reverend Doctor Isaac Mwase, vanoti mwedzi uno unopa mukana kuvanhu vemuAmerica nepasi rose kurangarira zvakanaka zvakaitwa nevanhu vatema.

Vanoti sesangano vanokurudzira vana veZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica vari muAmerica kuti vapindewo mune zvematongerwo enyika pamwe nekupindawo muzvigaro zvekumirira vanhu.

Reverend Doctor Mwase vanoti mwedzi uyu wakakoshawo zvikuru kuZimbabwe nekuti imwe yenyika dzemuAfrica dzanga dzine kuzvitonga kwevanhu vatema kwanga kuine mukurumbira, kuzvitonga kwakaita kuti vanhu pasi rose vazive kuti uko kune vanhu vemberi, vane tsika dzavo nezvakawanda zvavanokwanisa kuwedzera kuvanhu vepasi rino.

Hurukuro nareverend Doctor Isaac Mwase
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG