Nemusi weChipiri 09 Kukadzi, nhengo dzese dzedare reseneti remuAmerica dziri zana dziri kutarisirwa kusangana mudare iri kuti dzitange kutonga vaimbove mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump, pamhosva yavari kupomerwa yekutyora bumbiro remitemo yenyika.
VaTrump vari kunzi vakapesvedzera vatsigiri vavo kuti varatidzire zvine mhirizhonga pamuzinda weparamende, weCapitaol Hill musi wa 06 Ndira gore rino, izvo zvakasiya vanhu vashanu vafa.
Aka kanenge kave kepiri kuti VaTrump vatongwe nedare iri, izvo zvinovaisa munhoroondo yeAmerica yekuve mutungamiri wenyika akatongwa kaviri.
VaTrump vakanga vakumbirwa kuti vazomira pamberi pedare iri vachipa humbowo hwavo, asi magweta avo akaramba kutambira chikumbiro ichi.
Kuti VaTrump vawanikwe vaine mhosva, maseneta anodarika makumi matanhatu, kana kuti two-thirds, anofanirwa kuvhota achivaroverera nemhosva, danho rinogona kusabudirira sezvo vebato reRepublican, rinove bato raVaTrump, vasingatarisirwe kuvhota vachivarovera nemhosva.
Vebato reRepublican vakawanda VaTrump munhu asisiri muhofisi nekudaro haafanirwe kunge achitongwa.
Ukuwo, nhengo dzebato riri kutonga, dzeDemocratic Party, hadzina huwandu hunodiwa uhwu, izvo zvinozoita kuti dzitarisire kunhengo dzinopikisa dzeRepublican Party.
Chizvarwa cheZimbabwe uye vari vakafanobata chigaro chemutungamiri webato idzva rezvematongerwo enyika, rePatriotic Zimbabweans Party, VaCharles Mutama, vanoti hurongwa hwekutonga VaTrump idanho rakanaka chose sezvo pari kuteverwa bumbiro remitemo, asi havaoni zvichibudirira.
VaMutama vanoti kupesana pamaonero kuri pakati penhengo dzedare seseneti zvichiendarana nekuti dzinobva kubato ripi ndizvo zvichaita kuti vaive mutungamiri wenyika ava vasakwanise kutongwa.
Asi vanoti izvi zvakanakira hutongo hwejekerere, uye dzimwe nyika kusanganisirawo Zimbabwe, dzinowanawo zvekutorawo kubva mazviri.
Facebook Forum