Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeDemocratic Party Dzokwikwidzana Mukutsvaga Achamirira Bato Musarudzo yeMutungamiri weAmerica


Makwikwi mubato reDemocratic party anonzi ari pakati paVaJoe Biden naVaBernie Sanders, avo vari kutungamira pari zvino.
Makwikwi mubato reDemocratic party anonzi ari pakati paVaJoe Biden naVaBernie Sanders, avo vari kutungamira pari zvino.

Nhengo dzebato reDemocratic Party dziri kuda kumirira bato iri musarudzo yemutungamiri weAmerica ichaitwa muna Mbudzi gore rino dziri kutatsurana musarudzo yekutsvaga achamirira bato kana kuti primary elections, iri kuitwa mumatunhu gumi nemana emuAmerica neChipiri.

Nhengo ina dziri kupinda musarudzo iyi dzinoti VaJoe Biden, VaBernie Sanders, shoroma VaMike Bloomberg, pamwe naAmai Elizabeth Warren.

VaSanders ndivo vari kutungamira zvichitevera sarudzo dzakaitwa mune mamwe matunhu mana anoti New Hampshire, South Carolina, Iowa neNevada.

Vamwe vari kutevera zviri kuitika mubato rinopikisa muAmerica iri vanoti VaBiden, avo vaive mutewedzeri wemutungamiri wenyika munguva yaVaBarack Obama, vanogona kuvewo nemukana zvichitevera kukunda kwavo musarudzo yekuSouth Carolina yakaitwa svondo rapera.

Vamwe vaikwikwidzawo mubato iri, VaPete Buttigieg naAmai Amy Klobuchar, vakazivisa neMuvhuro kuti vabuda mumakwikwi aya vachiti vainge voisa rutsigiro rwavo kuna VaBiden.

Vanhu ava vanoti danho iri rinogona kubatsira VaBiden kuwana mavhoti ekuti vakwanise kukunda VaSanders sezvo rauya panguva yesarudzo yakakosha iyi.

Asi sachigaro vebato reZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Vusango Charumbira, vanoti havaoni VaBiden vachikunda VaSanders musarudzo iyi, vachiti vanoona sekunge matunhu ane mavhoti akawanda akaita seCalifornia neTexas achavhotera VaSanders.

VaCharumbira vanoti havaonewo VaBloomberg pamwe naAmai Warren vachiwanawo mavhoti akawanda musarudzo iyi, vachitiwo zvakare havaoni VaBloomberg vachipa rutsigiro rwavo kuna VaBiden kana vakazofunga kubuda mumakwikwi aya.

Anokunda musarudzo iyi anonzi ndiye anenge ave nemukana mukuru kwazvo wekukwikwidzana nevachamirira bato riri kutonga reRepublican Party, VaDonald Trump, vanove zvakare mutungamiri wenyika.

Sarudzo iyi ine mavhoti chiuru nemazana matatu nemakumi mashanu nemanomwe ari kurwirwa nevari kukwikwidzana ava.

Nhengo dzebato iri dziri kunze kwenyika dzavhotawo zvakare musarudzo iyi, kusanganisira dziri kudunhu reAmerican Samoa.

Hurukuro naVaRegis Vusango Charumbira
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG