Accessibility links

Breaking News

Matunhu eAmerica Odzika Mitemo Inodzvirira Kupararira kweCoronavirus


Gavhuna veMaryland, VaLarry Hogan, (kuruboshwe) vadzika neMuvhuro mutemo unomanikidza vemabhizimusi asina kukosha kuvhara nenguva dzeshanu dzemanheru.
Gavhuna veMaryland, VaLarry Hogan, (kuruboshwe) vadzika neMuvhuro mutemo unomanikidza vemabhizimusi asina kukosha kuvhara nenguva dzeshanu dzemanheru.

Kunyange hazvo matunhu akawanda emuAmerica akazivisa nezvematonho akasiyanasiyana aari kutora ekudzivirira kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus, hapana dunhu rati rasvika pakurambidza zvachose kuti vagari varo vange vasingaende kumabasa.

Dunhu reCalifornia ndiro dunhu pari zvino rine mutemo unorambidza vanhu kuwadzana kunze kwedzimba dzavo, kuchitiwo New York yakadzikawo mutemo wekuti vanhu vasashanyire misha inogara vakwegura.

Mamwe matunhu, kusanganisira Maryland, Virginia neWashington D.C., akatovharisa nzvimbo dzekudyira, dzekutamura pamwe nekusimbisa miviri uyewo kwekuona mabhaisikopo.

Gavhuna veMaryland, VaLarry Hogan neMuvhuro vadzika mutemo unomanikidza vemabhizimusi asina kukosha kuti vange vachivhara zvitoro zvavo nenguva dzeshanu manheru.

Mutungamiri wenyika, VaDonald Trump neSvondo vakazivisa kuti vakabvumidza mauto eNational Guard kuti aende kunobatsira kudzivirira kupararira kwehutachiwana hwe coronavirus kumatunhu anoti New York, California and Washington.

America ine vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nezvishanu vabatwa nechirwere ichi, uye vanodarika mazana mana nemakumi manomwe vaurayiwa nacho.

Kunyange hazvo vamwe vari kuti vari kuomeserwa nemitemo iri kudzikwa mumatunhu iyi, chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muVirginia, Doctor Frenk Guni, avo vari mune zvehutano, vanoti vanoona matanho ari kutorwa nematunhu aya akakosha zvikuru mukuderedza kutapuriranwa nekuparadzirwa kwehutachiwana.

Hurukuro naDoctor Frenk Guni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG