Accessibility links

Breaking News

Mutewedzeri weMunyori Mukuru weUN Anopinda muZimbabwe kuMusangano weAfrican Regional Forum on Sustainable Development


Mutewedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Amina Mohammed.
Mutewedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Amina Mohammed.

Mutewedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Amina Mohammed, vakapinda muZimbabwe neMugovera kumusangano weAfrican Regional Forum on Sustainable Development, uyo uri kuitirwa kuVictoria Falls.

Musangano uyu wakanangana nekutarisa budiriro iri kuitwa nenyika dzemuAfrica pasingaparadzwe kana kukanganiswa zviwanikwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuvhura zviri pamutemo musangano uyu neMuvhuro.

Musangano uyu, uyo unove wechitanhatu, uri kuitwa nesangano reEconomic Commission for Africa rakabatana neAfrican Union Commission, African Development Bank pamwe neUnited Nations.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti chinhu chakanaka chose kuti misangano yakadai iitirwe munyika.

Asi VaMbofana vanoti chinokosha ndechekuti misangano yacho iri kuburitsa chimuko here, nekuti kana Zimbabwe ichizivikanwa nekukundikana kuzadzisa zviga zvainozviisira, havaoni ichizozadzisa zviga zveUnited Nations izvi.

Musangano uyu uri kutanga neMuvhuro 24 Kukadzi uchipera nemusi wa 27 Kukadzi 2020.

Dingondira regore rino rinoti "2020-2030: A Decade to Deliver a Transformed and Prosperous Africa through the 2030 Agenda and Agenda 2063".

Hurukuro naVaTendai Ruben Mbofana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG