Nhengo dzemasangano anorwira kodzero dzezvizvarwa zveZimbabwe zviri kuBritain neMuvhuro dzakaratidzira pamuzinda weZimbabwe uri munyika iyi pamwe nekusiya gwaro renyunyuto kumahofisi ebazi rezvemukati menyika yeBritain, dzichinyunyuta nehurongwa hwekuda kudzosa kumusha zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.
Hurumende yemutungamiri wehurumende yeBritain, VaBoris Johnson, inonzi iri kuronga kudzosera kuZimbabwe zvizvarwa zveZimbabwe zana nemakumi mashanu zvaipara dzimhosva dzakasiyanasiyana, uye ndege ichatakura vanhu ava inotarisirwa kusimuka neChitatu kubva kuBritain, ichisvika muZimbabwe nemusi weChina.
Izvi zvinotevera chibvumirano chinonzi chakaitwa nenyika iyi nebazi reZimbabwe rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika chekuti vose vari kunzi vakapara dzimhosva kuBritain vasisakwanise kuramba vachikwikwidza kumatare vadzoserwe kumusha.
Asi masangano anorwira kodzero dzevanhu aya anoti zviri kuitwa nehurumende yeBritain kuisa vanhu mumukanwa mamupere, achiti vanhu ava vanonoshungurudzwa kumusha nehurumende sezvo vachiita zvematongerwo enyika.
Pane kutyirawo zvakare kuti hutano hwevanhu ava hunogona kuiswa munjodzi munguva ino yeCovid-19, sezvo vamwe vavo vachinzi vari kuramba kuvhenekwa kuti vaonekwe kana vaine denda reCovid-19 iri, asi vachinzi vachangobatanidzwa nevanenge vakavhenekwa.
Dzimwe nhengo dzeparamende yeBritain dzinonzi dzakanyorawo gwaro dzichikurudzira gurukota rebazi rezvemukati menyika, Amai Priti Patel, kuti vamise kudzingwa kwevanhu ava nekukasika dzichiti dzinotyira kutyorwa kwekodzero dzavo kuZimbabwe.
Hatina kukwanisa kubata muzinda weBritain kuZimbabwe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Taedzawo kubata mumiriri weZimbabwe kuBritain, VaChristian Katsande, asi takundikana kutaura navo.
Asi imwe nhengo yerimwe remasangano akaratidzira neMuvhuro, reZimbabwe Human Rights Organisation, VaKingstone Jambawo, vanoti vari kukatyamadzwa kuti chii chashanduka chave kuita kuti Britain, iyo vanoti ichangobva kutemera Zimbabwe zvirango, idzosere vanhu kunyika yainoti iri kutyora kodzero dzevanhu.
VaJambawo vanotiwo vanoshamisika nekuti munguva yehutongo hwevaive mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, Zimbabwe yairamba kutambira vanodzoswa nedzimwe nyika ichiti vaive nhengo dzemapato anopikisa hurumende, asi hurumende yaVaMnangagwa, avo vavanoti vaive muhurumende yaVaMugabe, yavekutambira vanhu ava nemaoko maviri.
Facebook Forum