Accessibility links

Breaking News

Sangano reMadutazvinhu Rochema Kushaya kwaVaJoel Biggie Matiza


VaFredrick Maguramhinga

Sangano rinomirira vatyairi nemakondakita, reZimbabwe Union Of Drivers And Conductors (ZUDAC) rinoti kushaya kwevaimbove gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, kwarwadza vanhu vazhinji vanoshanda mune zvekutakurwa kwezvinhu.

Mutungamiri weZUDAC, VaFredrick Maguramhinga, vanoti VaMatiza vakange vachishanda zvakanaka nevanhu nemasangano ane chekuita nezvekutakurwa kwezvinhu.

Vanoti VaMatiza vaigara vachiita misangano nemasangano avo vachiratidza kuda kunzwisisa mashandiro avo uye vachivabvunzavo nezvemirairo yavaifunga kuti ingabatsira mukufamba zvakanaka kwebazi iri, vachiti VaMatiza vakabatsira sangano ravo zvikuru.

VaMaguramhinga varumbidzavo vaimbove gurukota reZimbabwe raiona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, avo vakashaya nemusi weChitatu svondo rapera, mazuva maviri VaMatiza vasati vashayawo nechirwere cheCovid-19.

VaMaguranhanga vati VaMoyo vakabatsira vatyairi nemakondakita panguva iyo vanhu muSouth Africa vakange vachirwisa vatyairi vekune dzimwe nyika vaishanda muSouth Africa.

VaMoyo naVaMatiza vakapihwa ruremekedzo rwehugamba hwenyika uye vose vacharadzikwa mangwana, Chitatu, paHeroes Acre muHarare, pamwe chete nerimwezve gamba, vaParadzai Zimondi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG