Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoronga Kuratidzira kuNew York kuMusangano weUnited Nations General Assembly


Muzvare Savanna Madamombe ndemumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kuronga kuratidzira kuNew York.
Muzvare Savanna Madamombe ndemumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kuronga kuratidzira kuNew York.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuronga kuratidzira pachauya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUnited Nations kuNew York svondo rinouya, zvinoti gadziriro yazvo iri kufamba zvakanaka.

Zvizvarwa zveZimbabwe izvi zvinoti zviri kutarisira vanhu vakawanda kuti vange vachipinda mukuratidzira uku. Vamwe vevari kuronga kuratidzira uku ndiMuzvare Savanna Madamombe naVaSimba Usore.

"Tiri kutarisira kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka kubvira musi weMugovera kusvika pachataura President Robert Mugabe. Tichange tichiratidzira kumuzinda weUnited Nations uye tine zvirongwa zvichange zvichiitwa nezvizvarwa zveZimbabwe nevanyarikani vedu vakabva kumusha nevamwe vari muno," Muzvare Madamombe vaudza Studio 7.

Muzvare Madamombe vanoti zviri kunyanya kurwadza vanhu kushaiswa mukana wekuwana hutongo wejechetere izvo zviri kuita kuti vazhinji vatadze kudzokera kumusha.

Vanotiwo shuwiro yavo ndeyekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvikwanise kuwana mukana wekuvhota.

Ukuwo VaUsore vanoti vanhu vazhinji vanobva kumatunhu akasiyana-siyana muAmerica vari kutarisirwa kunge vari pachiitiko ichi.

Rimwe sangano remuAmerica reDecember 12th Movement rinoti richange richitsigira VaMugabe panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe zvichange zvichiratidzira muNew York.

Muzvare Madamombe vanoti sangano iri raimbobatsira nyika munguva yekurwisana nehudzvinyiriri, asi pari zvino rarasika gwara nekuramba richitsigira VaMugabe kunyange hazvo vanhu vave kunonga svosve nemuromo nekuda kwehutongi hwavo.

Hurukuro naMuzvare Savanna Madamombe naVaSimba Usore
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG