Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yozvirova Dundundu kuMusangano Uri Kuitirwa kuVictoria Falls


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Musangano wechitanhatu wemazuva mana wekutarisa budiriro pasingakanganiswi zviwanikwa muAfrica, we African Regional Forum on Sustainable Development, wakatanga neMuvhuro muVictoria Falls.

Musangano uyu uri kupindwawo nemutewedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations, Amai Amina Mohammed, avo vakapinda muZimbabwe neMugovera.

Musangano uyu wakanangana nekutarisa budiriro iri kuitwa nenyika dzemuAfrica pasingaparadzwe kana kukanganiswa zviwanikwa.

Musangano uyu, uyo unove wechitanhatu, uri kuitwa nesangano reEconomic Commission for Africa rakabatana neAfrican Union Commission, African Development Bank pamwe neUnited Nations.

Gurukota rinoona nezvemabasa nevashandi, pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu, Muzvinafundo Paul Mavhima, vanoti nyika dzose dzemu Africa, dzinoita makumi mashanu neina, dzine vamiriri pamusangano uyu.

VaMavima vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo Zimbabwe iri panguva yakaoma, iri mberi kwenyika zhinji mu Africa panyaya yekusimudzira zvinangwa zvebudiriro yerudzi urwu.

Musangano uyu uchaparurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG