Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neUNICEF Mukucherechedza Zuva reKodzero dzeVana


Zuva reUnited Nations Convention on The Rights of the Child rinokurudzira kucherechedzwa kwekodzero dzevana pasi rose.
Zuva reUnited Nations Convention on The Rights of the Child rinokurudzira kucherechedzwa kwekodzero dzevana pasi rose.

Zimbabwe neUNICEF zacherechedza makore makumi matatu echisungo chekucherechedzwa kwekodzero dzevana pasi rose, cheUnited Nations Convention on the Rights of the Child, mutungamiriri wenyika wevechidiki, Mukudzeishe Madzivire, achiti vechidiki vanodawo kupa pfungwa dzavo pakuumbwa kwemitemo pamwe nepanotorwa matanho ese ane chekuita navo.

Achitaura pamhemberero dzaitwa pamuzinda weparamende neChishanu, Madzivire, ati vechidiki vari kusiiwa nehurumende pamwe neparamende panoumbwa mitemo pamwe nepanotorwa matanho ane chekuita navo uye izvi hazvina kunaka.

Ati panofanira kuve nehwaro hwekuti vechidiki vakwanise kupa pfungwa dzavo panoumbwa mitemo uyewo kuti vapihwe mukana wekutora matanho ane chekuita navo.

Pamusangano wemusi weChishanu uyu, vechidiki vapihwa mukana wekubvunza zvese zvine chekuita navo kubva kumapazi ehurumende nemasangano anoshanda akazvimirira, makomisheni pamwe neUNICEF.

Vechidiki vapinda mumusangano uyu vati vanoda kuti vapihwe mukana wekudzidza zvakanaka, kuve nehutano, kuchegetedzwa, kuwana chikafu pamwe nekugara zvakanaka.

Makurukota ehurumende akawanda ange akakokwa kumusangano wanhasi kuti azopindure mubvunzo kubva kune vechidiki haana kuuya izvo zvatsamwisa sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga.

Amai Misihairambwi-Mushonga vaudza Mutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, kuti vamhan’arire makurukota aya kumutungamiri wenyika.

Makurukota asina kuenda kuparamende aya ndeanoti VaObadiah Moyo vezvehutano, VaCain Mathema vezvedzidzo yepasi, VaKazembe Kazembe vezvemukati menyika, naVaZiyambi Ziyambi vanove gurukota rezvemutemo, pamwe naVaPaul Mavhima vanoona nezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu.

Asi zvisinei nekusauya kwavo, vechidiki vanoti vadzidza zvakawanda kubva kunhengo dzeparamende nemasangano auya.

Nhengo dzapinda mumusangano wanhasi dzaita chitsidzo chekuti dzichavandudza mitemo yese ine chekuita nevana vadiki kuti ienderane nebumbiro remutemo wenyika pamwe nezvisungo zvakaita seU-N Convetion on the Rights of the Child.

Vataura vakamirira nhengo dzeparamende, VaKindness Paradza, vatiwo paramende ichapasisa nechimbi-chimbi mabhiri ane mitemo ine chekuita nevana akaita seChild Justice Bill.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaMudenda, vati masangano akaita seUnited Nations pamwe nenyika dzakapfuma vanofanira kutsigira Zimbabwe vachiti pari zvino nyika yakaomerwa nekuda kwenzara.

Vati hazviratidzi hunhu kuti nyika dzakapfuma dzinochengeta mari yakawanda mumabhanga dzichitadza kubatsira nyika dzakaomerwa.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG